Mako 12:1-44
12 Uyewo, akatanga kutaura navo achishandisa mifananidzo achiti: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akaukomberedza noruzhowa, akachera chisviniro chewaini, akavaka shongwe,+ akauronzesa varimi,+ akaenda kunze kwenyika.+
2 Zvino mumwaka wakakodzera akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti awane zvimwe zvibereko zvomunda wacho wemizambiringa kuvarimi.+
3 Asi vakamutora, vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.+
4 Akatumazve mumwe muranda kwavari; uye iyeye vakamurova mumusoro, vakamuzvidza.+
5 Zvino akatuma mumwe, uye iyeye vakamuuraya; uye akatuma vamwe vazhinji, ivo vakarova vamwe vacho uye vakauraya vamwe vacho.
6 Akanga achine mumwe, mwanakomana anodiwa.+ Akamutuma pakupedzisira kwavari, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’+
7 Asi varimi ivavo vakataurirana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka.+ Uyai, ngatimuurayei, uye nhaka ichava yedu.’+
8 Naizvozvo vakamutora, vakamuuraya,+ vakamukanda kunze kwomunda wemizambiringa.+
9 Muridzi womunda wemizambiringa achaitei? Achauya oparadza varimi, uye achapa vamwe+ munda wacho wemizambiringa.+
10 Hamuna kumboverenga here rugwaro urwu runoti, ‘Dombo+ rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona.+
11 Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu’?”+
12 Ivo vakatanga kutsvaka nzira yokumubata nayo, asi vakatya boka revanhu, nokuti vakaziva kuti akataura mufananidzo wacho achifunga nezvavo. Naizvozvo vakamusiya, vakaenda.+
13 Zvino vakamutumira vamwe vevaFarisi nevateveri vebato raHerodhi,+ kuti vamubate pakutaura kwake.+
14 Vachisvika vakati kwaari: “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri wechokwadi uye hamuna basa nomunhu, nokuti hamutariri kuti vanhu vakaita sei nechokunze, asi munodzidzisa nzira yaMwari maererano nechokwadi:+ Zvinobvumirwa nomutemo here kutera mutero womunhu wose kuna Kesari kana kuti kwete?
15 Totera here, kana kuti torega kutera?”+ Achicherechedza unyengeri hwavo, akati kwavari: “Munondiedzerei? Ndiunzirei dhinari ndione.”+
16 Ivo vakauya naro. Iye akati kwavari: “Mufananidzo nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?” Ivo vakati kwaari: “NdezvaKesari.”+
17 Jesu akabva ati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari,+ asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ Ivo vakatanga kushamiswa naye.+
18 Zvino vaSadhusi, vaiti hakuna kumuka, vakauya kwaari, vakamubvunza+ kuti:
19 “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womumwe munhu akafa, akasiya mudzimai asi akasasiya mwana, munun’una wake+ anofanira kutora mudzimai wacho omutsira mukoma wake vana naye.+
20 Kwaiva nevatevedzani vanomwe; uye wokutanga akatora mudzimai, asi paakafa haana kusiya mwana.+
21 Wechipiri akamutorawo, asi akafa asina kusiya mwana; uye wechitatu akaitawo saizvozvo.
22 Zvino vanomwe ava havana kusiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi wacho akafawo.+
23 Pakumuka achava mudzimai woupi pane ava? Nokuti iye akava mudzimai weava vanomwe.”+
24 Jesu akati kwavari: “Ichi handicho chikonzero nei makarasika here, kusaziva kwenyu Magwaro kana simba raMwari?+
25 Nokuti pavanomuka kubva kuvakafa, varume havaroori uyewo vakadzi havaroorwi, asi vanenge vakaita sengirozi dziri kumatenga.+
26 Asi pamusoro pevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kuverenga here mubhuku raMosesi, munyaya yegwenzi reminzwa, matauriro akaita Mwari kwaari kuti, ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+
27 Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. Makarasika chaizvo.”+
28 Zvino mumwe wevanyori akanga auya akavanzwa vachiita nharo, achiziva kuti akanga avapindura nenzira yakanaka, akamubvunza kuti: “Murayiro wokutanga pane yose ndoupi?”+
29 Jesu akapindura kuti: “Wokutanga ndouyu, ‘Inzwa, haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete,+
30 ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.’+
31 Wechipiri ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’+ Hapana mumwe murayiro mukuru kupfuura iyi.”
32 Munyori wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka maererano nechokwadi chokuti, ‘Iye ndiye Mumwe chete, uye hakuna mumwe kunze Kwake’;+
33 uye uku kumuda nomwoyo wako wose nokunzwisisa kwako kwose nesimba rako rose uye uku kuda muvakidzani wako sezvaunozviita kunokosha kupfuura zvinopiwa zvose zvakakwana zvinopiswa nezvibayiro.”+
34 Jesu, achinzwisisa kuti akanga apindura noungwaru, akati kwaari: “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Asi hapana munhu akanga achine ushingi hwokumubvunza.+
35 Zvisinei, paakanga achipindura, Jesu sezvaaidzidzisa mutemberi akatanga kuti: “Sei vanyori vachitaura kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+
36 Nomudzimu mutsvene+ Dhavhidhi akati, ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’+
37 Dhavhidhi anomuti ‘Ishe,’ asi iye mwanakomana wake sei?”+
Zvino boka guru racho revanhu rakanga richimuteerera nomufaro.+
38 Paaidzidzisa akaenderera mberi achiti: “Chenjererai vanyori+ vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu vachida kukwaziswa mumisika
39 uye vanoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nenzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru.+
40 Ndivo vari kuparadza dzimba+ dzechirikadzi uye vachiita minyengetero mirefu yokubata kumeso; ivava vachatongwa kwazvo.”+
41 Zvino akagara pasi paaikwanisa kuona midziyo yokuisa mari,+ akatanga kucherechedza kudonhedzera mari kwaiita boka revanhu mumidziyo yokuisa mari; uye vanhu vazhinji vakapfuma vakanga vachidonhedzera mari zhinji.+
42 Zvino imwe chirikadzi yaiva murombo yakasvika, ikadonhedzera tumari tuviri twaisambokosha.+
43 Naizvozvo akashevedza vadzidzi vake, akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yadonhedzera kupfuura vose vadonhedzera mari mumidziyo yokuisira mari;+
44 nokuti vose vadonhedzera vachibvisa pamari yavo yakasara, asi iye, pakushayiwa kwake adonhedzera yose yaanga ainayo, inomuraramisa.”+