Mako 13:1-37
13 Paakanga achibuda mutemberi mumwe wevadzidzi vake akati kwaari: “Mudzidzisi, onai! matombo acho kuti akaita sei uye zvivako zvacho kuti zvakaita sei!”+
2 Zvisinei, Jesu akati kwaari: “Unoona zvivako izvi zvikuru here?+ Hapana dombo richazombosiyiwa pano riri pamusoro perimwe dombo+ risingakoromorwi.”+
3 Zvino zvaakanga agere paGomo reMiorivhi paaikwanisa kuona temberi, Petro+ naJakobho naJohani naAndreya vakatanga kumubvunza vari voga kuti:+
4 “Tiudzei, Zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo zvinhu zvose izvi pazvinofanira kusvika pakuguma?”+
5 Naizvozvo Jesu akatanga kuti kwavari: “Chenjerai kuti parege kuva nomunhu anokutsausai.+
6 Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.+
7 Zvakare, pamunonzwa nezvehondo nemashoko ezvehondo, musatya; zvinhu izvi zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kuchigere.+
8 “Nokuti rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo,+ kuchava nokudengenyeka kwenyika+ munzvimbo nenzvimbo, kuchava nokushomeka kwezvokudya.+ Izvi zvichava kutanga kwemarwadzo enhamo.+
9 “Asi imi, zvichenjererei; vanhu vachakuendesai kumatare omunzvimbo imomo,+ uye mucharohwa mumasinagogi+ momiswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari.+
10 Uyewo, mashoko akanaka+ anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.+
11 Asi pavanenge vachienda nemi kuti vakuisei kumatare, regai kufanozvidya mwoyo pamusoro pokuti muchataurei;+ asi chose chamunenge mapiwa muawa iyoyo, taurai ichocho, nokuti hamusi imi munenge muchitaura, asi mudzimu mutsvene ndiwo uchataura.+
12 Uyezve, mukoma achaurayisa munun’una, uye baba mwana,+ uye vana vachamukira vabereki vachivaurayisa;+
13 uye muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu.+ Asi anenge atsungirira kusvikira pakuguma+ ndiye achaponeswa.+
14 “Zvisinei, pamunoona chinhu chinonyangadza+ chinokonzera kuparadzwa+ chimire pachisingafaniri (anoverenga ngaashandise ungwaru),+ panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.+
15 Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka, kana kupinda mukati kuti abudise chimwe chinhu mumba make;+
16 uye munhu ari mumunda ngaarege kudzokera kuzvinhu zvakasara kuti anotora nguo yake yokunze.+
17 Vane nhamo vakadzi vane pamuviri nevaya vanoyamwisa vana mumazuva iwayo!+
18 Rambai muchinyengetera kuti zvirege kuitika munguva yechando;+
19 nokuti mazuva iwayo achava mazuva okutambudzika+ kusina kumboitika kubvira pakutanga kwezvisikwa zvakasikwa naMwari kusvikira panguva iyoyo, uye hakuzoitikizve.+
20 Chokwadi, kudai Jehovha+ akanga asina kutapudza mazuva acho, hapana munhu aizoponeswa. Asi nokuda kwevakasarudzwa+ vaakasarudza,+ akatapudza mazuva iwayo.+
21 “Panguva iyoyo, kana munhu akati kwamuri, ‘Onai! Heuno Kristu,’ ‘Onai! Hoyo,’+ musazvitenda.+
22 Nokuti vanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka+ uye vachaita zviratidzo nezvishamiso+ kuti kana zvichibvira, vatsause vakasarudzwa.+
23 Saka imi, chenjererai;+ ndafanokuudzai zvinhu zvose.+
24 “Asi mumazuva iwayo, pashure pokutambudzika ikoko, zuva richasviba, uye mwedzi hauzobudisi chiedza chawo,
25 nyeredzi dzichange dzichiwa kudenga, uye masimba ari kumatenga achazununguswa.+
26 Panguva iyoyo vachaona Mwanakomana womunhu+ achiuya ari mumakore nesimba guru nokubwinya.+
27 Panguva iyoyo achatuma ngirozi uye dzichaunganidza vakasarudzwa+ vake vachibva kumhepo ina, kubvira kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.+
28 “Zvino dzidzai mufananidzo uyu pamuonde: Bazi rawo duku parinongova nyoro ropfumvutira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.+
29 Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti iye ava pedyo, pamasuo.+
30 Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.+
31 Denga+ nenyika zvichapfuura, asi mashoko+ angu haazopfuuri.+
32 “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro kana awa yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga kana Mwanakomana, asi Baba.+
33 Rambai muchitarira, rambai makamuka,+ nokuti hamuzivi kuti nguva yakatarwa ichasvika rini.+
34 Zvakafanana nomurume akaenda kunze kwenyika,+ akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akarayira muchengeti wesuo kuti arambe akarinda.
35 Naizvozvo rambai makarinda,+ nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, zvimwe kumanheru kana pakati pousiku kana pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani;+
36 kuti paanongoerekana asvika, haakuwanii makarara.+
37 Asi zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.”+