Mako 14:1-72
14 Zvino kwakanga kwasara mazuva maviri+ kuti paseka+ nomutambo+ wemakeke asina kuviriswa zvisvike. Vapristi vakuru nevanyori vakanga vachitsvaka kuti vangamubata sei vachishandisa zano remanomano kuti vamuuraye;+
2 nokuti vakataura kazhinji kuti: “Kwete pamutambo; zvimwe pangava nemheremhere yevanhu.”+
3 Zvino paakanga ari kuBhetani mumba maSimoni wemaperembudzi,+ zvaakanga akatsenhama pakudya, mumwe mukadzi akauya nechinu chearabhasta chaiva nemafuta anonhuhwirira, nadhi chaiyo, inodhura kwazvo. Achivhura chinu chearabhasta akatanga kuadira mumusoro make.+
4 Vamwe vavo vakatsamwa, vakati: “Nei mafuta aya anonhuhwirira apambadzwa?+
5 Nokuti mafuta aya anonhuhwirira angadai atengeswa nemadhinari anopfuura mazana matatu akapiwa varombo!” Zvino vakamutsamwira kwazvo.+
6 Asi Jesu akati: “Muregei akadaro. Nei muchiedza kumunetsa? Andiitira basa rakanaka.+
7 Nokuti varombo munogara muinavo,+ munogona kuvaitira zvakanaka chero nguva ipi zvayo yamunoda, asi ini hamugari muineni.+
8 Aita zvaaigona; afanozora muviri wangu mafuta anonhuhwirira nokuda kwokuvigwa.+
9 Chokwadi ndinoti kwamuri, Kwose kuchaparidzwa mashoko akanaka munyika yose,+ zvaitwa nomukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”+
10 Zvino Judhasi Iskariyoti, mumwe wevane gumi nevaviri, akaenda kuvapristi vakuru kuti amutengese kwavari.+
11 Pavakazvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari yesirivha.+ Naizvozvo akatanga kutsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakakodzera.+
12 Zvino pazuva rokutanga remakeke asina kuviriswa,+ pavaiwanzobayira chinobayirwa chepaseka, vadzidzi vake+ vakati kwaari: “Munoda kuti tiende kupi tinokugadzirirai kuti mudye paseka?”+
13 Naizvozvo akatuma vaviri vevadzidzi vake akati kwavari: “Pindai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura.+ Muteverei,
14 uye chero maanenge apinda muti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ati: “Imba yevaeni mandingadyira paseka+ nevadzidzi vangu iri kupi?”’+
15 Zvino achakuratidzai imba huru yepamusoro, yakatoshongedzerwa; uye tigadzirirei imomo.”+
16 Naizvozvo vadzidzi vakabuda, vakapinda muguta, vakawana zvakangoita sezvaakanga avataurira; uye vakagadzirira paseka.+
17 Ava manheru iye akauya aine vane gumi nevaviri.+
18 Zvavakanga vakatsenhama patafura vachidya, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Mumwe wenyu, ari kudya+ neni, achanditengesa.”+
19 Vakatanga kushungurudzwa uye mumwe nomumwe akati kwaari: “Ndini here?”+
20 Iye akati kwavari: “Ndomumwe wevane gumi nevaviri, ari kusevawo mundiro imwe chete neni.+
21 Chokwadi, Mwanakomana womunhu ari kuenda, sokunyorwa kwazvakaitwa pamusoro pake, asi ane nhamo munhu iyeye anotengesa Mwanakomana womunhu! Zvaizova zvakanakira munhu iyeye kwazvo kudai akanga asina kuberekwa.”+
22 Zvino zvavakaramba vachidya, akatora chingwa, akakumbira chikomborero, akachimedura, akavapa, akati: “Chitorei, ichi chinomirira muviri wangu.”+
23 Achitora kapu, akaonga, akaipa kwavari, uye vose vakanwa.+
24 Iye akati kwavari: “Iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa+ vazhinji.+
25 Chokwadi ndinoti kwamuri, Handichazombonwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iroro pandichazvinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”+
26 Pakupedzisira, pashure pokunge vaimba nziyo dzokurumbidza,+ vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.+
27 Zvino Jesu akati kwavari: “Imi mose muchagumburwa, nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Ndicharova mufudzi,+ uye makwai achapararira kwose.’+
28 Asi kana ndamutswa ndichafanoenda kuGarireya.”+
29 Asi Petro akati kwaari: “Kunyange kana vamwe vose vakagumburwa, ini handizodaro.”+
30 Jesu akati kwaari: “Chokwadi ndinoti kwauri, Iwe nhasi, chokwadi, usiku huno, jongwe risati rarira kaviri, iyewe uchandiramba katatu.”+
31 Asi akatanga kutaura zvine simba achiti: “Kana ndichifanira kufa nemi, handizombokurambii.” Uyewo, vamwe vose vakatanga kutaura zvakafanana.+
32 Naizvozvo vakasvika panzvimbo inonzi Getsemane, akati kuvadzidzi vake: “Garai pano ini pandinenge ndichinyengetera.”+
33 Zvino akaenda pamwe chete naPetro naJakobho naJohani,+ uye akatanga kudumbirwa uye kunetseka kwazvo.+
34 Akati kwavari: “Mweya wangu uri kushungurudzwa kwazvo,+ zvokufa. Garai pano murambe makarinda.”+
35 Achienda mberi zvishoma akabva apfugama pasi, akatanga kunyengetera kuti kudai zvaibvira, awa yacho imupfuure.+
36 Zvino akati: “Abha, Baba,+ zvinhu zvose zvinobvira kwamuri; bvisai kapu iyi kwandiri. Asi kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.”+
37 Zvino akadzoka, akavawana vachirara, akati kuna Petro: “Simoni, uri kurara here? Wanga usina simba rokuramba wakarinda kweawa imwe chete here?+
38 Rambai makarinda muchinyengetera,+ kuti murege kupinda mumuedzo. Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”+
39 Akaendazve akanyengetera, achitaura shoko rakafanana.+
40 Akauyazve akavawana vachirara, nokuti maziso avo akanga orema, naizvozvo havana kuziva kuti vomupindura kutii.+
41 Zvino akauya kechitatu akati kwavari: “Panguva yakaita seino muri kurara muchizorora henyu! Zvakwana! Awa yasvika!+ Tarirai! Mwanakomana womunhu ava kutengeswa mumaoko evatadzi.+
42 Simukai, handei.+ Tarirai! Mutengesi wangu aswedera pedyo.”+
43 Achiri kutaura, Judhasi, mumwe wevane gumi nevaviri akabva asvika, aine boka revanhu raiva nemapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru nevanyori nevarume vakuru.+
44 Zvino mutengesi wake akanga avapa chiratidzo chakabvumiranwa, achiti: “Wandichatsvoda, ndiye; musungei, muende naye makanyatsomuchengetedza.”+
45 Akananga kwaari, akasvika akati: “Rabhi!” uye akamutsvoda+ zvinyoronyoro.
46 Naizvozvo vakamubata, vakamusunga.+
47 Zvisinei, mumwe wevaya vakanga vakamira ipapo akavhomora bakatwa rake, akatema muranda womupristi mukuru, akabvisa nzeve yake.+
48 Asi Jesu akabva ati kwavari: “Mauya nemapakatwa netsvimbo semuri kurwisana negororo kuti muzondisunga here?+
49 Zuva nezuva ndaiva nemi mutemberi ndichidzidzisa,+ asi hamuna kundisunga. Zvisinei, zviri kuitika kuti Magwaro+ azadzike.”+
50 Zvino vadzidzi vose vakamusiya,+ vakatiza.+
51 Asi rimwe jaya rakanga rakangopfeka nguo yerineni yakanaka kwazvo pamuviri waro rakatanga kumutevera riri pedyo; uye vakaedza kuribata,+
52 asi rakasiya nguo yaro yerineni, rikatiza risina kupfeka.
53 Zvino vakaenda naJesu kumupristi mukuru, uye vapristi vakuru vose nevarume vakuru nevanyori vakaungana.+
54 Asi Petro, akamutevera ari kure zvishoma,+ kusvikira muchivanze chomupristi mukuru; uye akanga agere pamwe chete nevashandi vepamba pacho achidziya moto waibvira chaizvo.
55 Munguva iyoyi vapristi vakuru neSanihedrini yose vakanga vachitsvaka uchapupu hwokupomera Jesu kuti vamuuraye,+ asi vakanga vasiri kuwana chero hupi zvahwo.+
56 Chokwadi, vazhinji vakanga vachimupomera zvenhema,+ asi uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani.+
57 Uyewo, vamwe vakanga vachisimuka, vachimupupurira zvenhema, vachiti:
58 “Takamunzwa achiti, ‘Ndichakoromora temberi iyi yakaitwa nemaoko uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isingaitwi nemaoko.’”+
59 Asi pazvikonzero izviwo uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani.
60 Pakupedzisira mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: “Haupinduri here? Unoti chii nezvavari kukupomera?”+
61 Asi akaramba akanyarara uye haana kumbopindura.+ Mupristi mukuru akatangazve kumubvunza, akati kwaari: “Ndiwe Kristu Mwanakomana weAnokudzwa here?”+
62 Jesu akabva ati: “Ndini; uye imi muchaona Mwanakomana womunhu+ agere kuruoko rworudyi+ rwesimba achiuya nemakore okudenga.”+
63 Mupristi mukuru akabvarura nguo dzake dzomukati,+ akati: “Tichadireizve zvapupu?+
64 Manzwa kumhura+ kwacho. Munoti kudii nazvo?” Vose vakamutongera kuti anofanira kufa.
65 Vamwe vakatanga kumupfira mate+ uye kufukidza chiso chake chose uye kumurova nezvibhakera, vachiti kwaari: “Profita!” Uye, vachimurova nembama kuchiso, vashandi vepadare vakamutora.+
66 Zvino Petro paakanga ari pasi muchivanze, mumwe wevashandikadzi vomupristi mukuru akauya,+
67 uye, achiona Petro achidziya moto, akamutarira zvakananga, akati: “Newewo, wakanga uina Jesu uyu wokuNazareta.”+
68 Asi iye akaramba, achiti: “Handimuzivi uye handisi kunzwisisa zvauri kutaura,” akabva abuda panze akaenda kuchivanze chepamberi.+
69 Ikoko mushandikadzi wacho, paakamuona, akatangazve kuti kune vaya vakanga vakamira pedyo: “Uyu ndomumwe wavo.”+
70 Iye akarambazve. Uyezve pashure penguva duku vaya vakanga vakamira pedyo vakatanga kuti kuna Petro: “Chokwadi iwe uri mumwe wavo, nokuti, chokwadi, uri muGarireya.”+
71 Asi akatanga kutuka achipika,+ achiti: “Ini munhu uyu wamuri kutaura nezvake handimuzivi.”+
72 Jongwe rakabva rarira kechipiri;+ uye Petro akayeuka mashoko aakataurirwa naJesu okuti: “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.”+ Zvino akakurirwa neshungu, akabva atanga kusvimha misodzi.+