Mako 15:1-47
15 Zvino ava mambakwedza vapristi vakuru nevarume vakuru nevanyori, iyo Sanihedrini yose, vakabva varangana,+ vakasunga Jesu, vakaenda naye vakamugamuchidza kuna Pirato.+
2 Naizvozvo Pirato akamubvunza kuti: “Ndiwe mambo+ wevaJudha here?” Achimupindura, iye akati: “Iwe ndiwe uri kuzvitaura.”+
3 Asi vapristi vakuru vakaramba vachimupomera zvinhu zvizhinji.+
4 Zvino Pirato akatanga kumubvunzazve, achiti: “Haupinduri here?+ Ona kuti vari kukupomera mhosva zhinji sei.”+
5 Asi Jesu haana kupindurazve, zvokuti Pirato akatanga kushamisika.+
6 Naizvozvo, pamutambo mumwe nomumwe aigara achisunungurira vanhu musungwa mumwe chete, wavaikumbira.+
7 Panguva iyoyo kwakanga kune ainzi Bharabhasi akanga akasungwa pamwe chete nevanhu vaimukira, vaya vakanga vaponda vanhu pakumukira kwavo.+
8 Naizvozvo boka revanhu rakauya, rikatanga kukumbira maererano nezvaaigara achivaitira.
9 Pirato akavapindura, achiti: “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wevaJudha here?”+
10 Nokuti akanga achiziva kuti vapristi vakuru vakanga vamugamuchidza+ nokuda kweshanje.+
11 Asi vapristi vakuru vakakusvudzira boka revanhu kuti riite kuti avasunungurire Bharabhasi, kwete iye.+
12 Achipindurazve, Pirato akati kwavari: “Saka, ndichaitei naye iye wamunoti ndimambo+ wevaJudha?”+
13 Vakashevedzerazve vachiti: “Murovererei!”+
14 Asi Pirato akati kwavari: “Nemhosva yei, akatadzei?” Zvisinei vakatonyanya kushevedzera vachiti: “Murovererei!”+
15 Pirato, achida kugutsa boka revanhu,+ akavasunungurira Bharabhasi, uye, pashure pokunge aita kuti Jesu arohwe, akamugamuchidza kuti arovererwe.+
16 Zvino varwi vakaenda naye muchivanze, imo mumuzinda wagavhuna; uye vakaunganidza boka rose revarwi,+
17 vakamupfekedza nguo yepepuru, vakaruka korona yeminzwa vakaiisa paari.+
18 Vakatanga kumukwazisa vachiti: “Kwaziwai,+ imi Mambo wevaJudha!”
19 Uyewo, vaimurova mumusoro netsanga nokumupfira mate uye, vachipfugama, vaimukotamira.+
20 Pakupedzisira, pavakanga vamuseka, vakamupfekenura nguo yepepuru, vakamupfekedza nguo dzake dzokunze. Zvino vakaenda naye kuti vanomuroverera.+
21 Uyewo, vakamanikidza mumwe munhu aipfuurawo zvake, mumwe Simoni wokuKurini, baba vaArekizanda naRufusi, aibva kumaruwa, kuti atakure danda rake rokutambudzikira.+
22 Naizvozvo vakasvika naye panzvimbo inonzi Gorogota, zvinoreva kuti, Nzvimbo yeDehenya,+ kana zvashandurwa.
23 Zvino vakaedza kumupa waini yakasanganiswa nemura inodhaka,+ asi iye akaramba kuinwa.+
24 Vakamuroverera, vakagovana nguo dzake dzokunze+ vachiita zvokukanda mijenya kuti ndiani anotora chipi.+
25 Zvino yakanga yava awa yechitatu,+ uye vakamuroverera.
26 Mashoko emhosva+ yaaipomerwa akanyorwa pamusoro kuti, “Mambo wevaJudha.”+
27 Zvakare, vakaroverera makororo maviri pamwe chete naye, rimwe kurudyi rwake uye rimwe kuruboshwe rwake.+
28 ——
29 Zvino vaya vaipfuura naipapo vaimutuka,+ vachidzungudza misoro yavo, vachiti: “Tsvatu waro! Iwe wokuda kuputsa temberi woivaka mumazuva matatu,+
30 chizviponesa nokuburuka padanda rokutambudzikira.”+
31 Saizvozvowo vapristi vakuru nevanyori vakanga vachiseka pachavo vachiti: “Akaponesa vamwe; iye haagoni kuzviponesa!+
32 Kristu Mambo waIsraeri zvino ngaaburuke padanda rokutambudzikira, kuti tione, titende.”+ Kunyange vaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakanga vachimuzvidza.+
33 Payakanga yava awa yechitanhatu rima rakavapo panyika yose kusvikira paawa yechipfumbamwe.+
34 Zvino paawa yechipfumbamwe Jesu akashevedzera nenzwi guru achiti: “Eri, Eri, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?”+ kana zvashandurwa.
35 Vamwe vevakanga vakamira pedyo, pavakanzwa izvi, vakatanga kuti: “Onai! Ari kushevedza Eriya.”+
36 Asi mumwe munhu akamhanya, akanyatisa chipanji newaini yakashapa, akachibayirira patsanga, akatanga kumunwisa,+ achiti: “Muregei! Regai tione kana Eriya akauya kuzomuburutsa.”+
37 Asi Jesu akashevedzera kwazvo, akabva afa.+
38 Keteni+ renzvimbo tsvene rakabvaruka nepakati kubva kumusoro kusvikira pasi.+
39 Zvino mukuru weuto akanga amire pedyo achimuona, paakaona kuti akanga afa mumamiriro aya ezvinhu, akati: “Chokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”+
40 Paivawo nevakadzi vakanga vachiona vari kure zvishoma,+ pakati pavo paiva naMariya Magadharini naMariya amai vaJakobho Muduku nevaJosesi, naSarome,+
41 vaifamba naye+ vachimushumira paaiva muGarireya, nevamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira pamwe chete naye kuJerusarema.+
42 Zvino zvaakanga atova manheru, uye zvarakanga riri zuva roKugadzirira, kureva, zuva rinotangira sabata,
43 kwakauya Josefa wokuArimatiya, nhengo yeDare yaiva nomukurumbira wakanaka, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari.+ Akashinga kuenda pamberi paPirato, akakumbira mutumbi+ waJesu.
44 Asi Pirato akashamisika kana iye akanga atofa, uye, akashevedza mukuru weuto, akamubvunza kana akanga atofa.
45 Naizvozvo pashure pokunge ava nechokwadi kubva kumukuru weuto, akapa Josefa chitunha chacho.+
46 Naizvozvo akatenga mucheka werineni yakanaka kwazvo, akamuburutsa, akamuputira nomucheka werineni yakanaka kwazvo, akamuradzika+ muguva+ rakanga racherwa padombo guru; uye akakungurutsira dombo kusuo reguva.+
47 Asi Mariya Magadharini naMariya amai vaJosesi vakaramba vakatarira paakanga aradzikwa.+