Mako 2:1-28
2 Zvisinei, pashure pemazuva akati, akapindazve muKapenaume zvikataurwa kuti aiva pamba.+
2 Naizvozvo vazhinji vakaungana, zvokuti pakanga pasisina nzvimbo, kunyange nepasuo, uye akatanga kuvataurira shoko.+
3 Zvino vamwe varume vakauya kwaari nomunhu akanga akaoma rutivi rwomuviri akatakurwa nevanhu vana.+
4 Asi vasingakwanisi kuuya naye paiva naJesu chaipo nokuda kweboka revanhu, vakabvisa denga pamusoro pepaakanga ari, uye vaboora pokupinda napo vakadzikisa kamubhedha kakanga kakarara munhu wacho akanga akaoma rutivi rwomuviri.+
5 Zvino Jesu paakaona kutenda kwavo,+ akati kumunhu akaoma rutivi rwomuviri: “Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa.”+
6 Zvino pakanga paine vamwe vevanyori ipapo, vakanga vagere vachifunga mumwoyo mavo+ kuti:
7 “Munhu uyu ari kutaurirei saizvozvi? Ari kumhura. Ndiani angakanganwira zvivi kunze kwomumwe chete, iye Mwari?”+
8 Asi Jesu, achangobva kuziva nepfungwa dzake kuti vakanga vachifunga saizvozvo mumwoyo mavo, akati kwavari: “Muri kufungirei zvinhu izvi mumwoyo menyu?+
9 Ndezvipi zviri nyore, kuti kumunhu akaoma rutivi rwomuviri, ‘Zvivi zvako zvakanganwirwa,’ kana kuti, ‘Simuka, utore kamubhedha kako, ufambe’?+
10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu+ ane simba rokukanganwira zvivi panyika,”+—akati kune akanga akaoma rutivi rwomuviri:
11 “Ndinoti kwauri, Simuka, tora kamubhedha kako, uende kumba kwako.”+
12 Iye akasimuka, akabva angotora kamubhedha kake, akabuda pamberi pavo vose,+ zvokuti vose vakashamiswa, vakakudza Mwari, vachiti: “Hatina kumboona zvakadai.”+
13 Akaendazve pedyo negungwa; uye boka rose revanhu rakaramba richiuya kwaari, uye akatanga kuvadzidzisa.
14 Asi zvaakanga achipfuura, akaona Revhi+ mwanakomana waArifiyosi akagara pahofisi yomutero, akati kwaari: “Iva muteveri wangu.” Achisimuka iye akamutevera.+
15 Kwapera nguva yakati, iye akanga akatsenhama patafura mumba make, uye vateresi vazhinji+ nevatadzi vakanga vakatsenhama naJesu nevadzidzi vake, nokuti paiva nevazhinji vavo uye vakatanga kumutevera.+
16 Asi vanyori vevaFarisi, pavakaona kuti akanga achidya nevatadzi nevateresi, vakatanga kuti kuvadzidzi vake: “Ko anodyawo nevateresi nevatadzi?”+
17 Achinzwa izvi, Jesu akati kwavari: “Vaya vakasimba havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda. Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.”+
18 Zvino vadzidzi vaJohani nevaFarisi vaiva netsika yokutsanya. Naizvozvo vakauya, vakati kwaari: “Nei vadzidzi vaJohani nevadzidzi vevaFarisi vaine tsika yokutsanya, asi vadzidzi venyu vasina tsika yokutsanya?”+
19 Zvino Jesu akati kwavari: “Shamwari dzomuroori dzingatsanya+ muroori achiri nadzo here? Chero bedzi muroori achiri nadzo hadzingatsanyi.+
20 Asi mazuva achauya padzichatorerwa muroori, uye dzichabva dzatsanya pazuva iroro.+
21 Hapana munhu anosonera chigamba chejira idzva panguo yokunze tsaru; kana akadaro, simba racho rose rinoikweva, chigamba chitsva chichibva panguo tsaru, uye iyo inowedzera kubvaruka.+
22 Uyewo, hapana munhu anoisa waini itsva muhombodo tsaru dzewaini; kana akadaro, waini yacho inoparura hombodo, uye waini inorasika, hombodo dzoparara.+ Asi vanhu vanoisa waini itsva muhombodo itsva dzewaini.”+
23 Zvino akanga achipfuura hake nomuminda yezviyo pasabata, uye vadzidzi vake vakatanga kutanha+ hura dzezviyo+ vachifamba.
24 Naizvozvo vaFarisi vakatanga kuti kwaari: “Tarirai! Vari kuitirei zvisingabvumirwi nomutemo pasabata?”+
25 Asi iye akati kwavari: “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi+ apo akashayiwa zvokudya, akava nenzara, iye nevarume vaaiva navo?+
26 Mapindiro aakaita muimba yaMwari, panyaya ine chokuita nomupristi mukuru Abhiyatari,+ akadya zvingwa zvokuratidzira,+ zvisingabvumirwi nomutemo+ kuti zvidyiwe nomumwe munhuwo zvake kunze kwevapristi, uye akapawo zvimwe kuvarume vaakanga ainavo?”+
27 Naizvozvo akaenderera mberi achiti kwavari: “Sabata rakaitwa kuti rivepo nokuda kwomunhu,+ asi munhu haana kuitwa kuti avepo nokuda kwesabata;+
28 nokudaro Mwanakomana womunhu ndiye Ishe kunyange wesabata.”+