Mako 3:1-35
3 Akapindazve musinagogi, uye mumwe murume aiva noruoko rwakaoma+ akanga ari imomo.
2 Naizvozvo vakanga vakanyatsomutarira kuti vaone kana aizorapa murume wacho pasabata, kuti vamupomere.+
3 Zvino akati kumurume aiva noruoko rwakakokonyara: “Simuka uuye pakati.”
4 Akati kwavari: “Zvinobvumirwa nomutemo here kuita basa rakanaka kana kuita basa rakaipa pasabata, kuponesa kana kuuraya mweya?”+ Asi vakaramba vakanyarara.
5 Pashure pokunge atarira-tarira pavari akatsamwa, achishungurudzwa kwazvo nokuoma kwemwoyo yavo,+ akati kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, uye ruoko rwake rwakaporeswa.+
6 VaFarisi vakabuda vakabva vatanga kurangana nevateveri vebato raHerodhi+ pamusoro pake, kuti vamuparadze.+
7 Asi Jesu nevadzidzi vake vakabuda, vakaenda kugungwa; uye vanhu vazhinjizhinji vaibva kuGarireya nevaibva kuJudhiya vakamutevera.+
8 Vanhu vazhinjizhinji vaibva kunyange kuJerusarema neIdhumeya nemhiri kwaJodhani nomunzvimbo dzakapoteredza Tire+ neSidhoni, vachinzwa kuti zvinhu zvizhinji sei zvaakanga achiita, vakauya kwaaiva.
9 Zvino akaudza vadzidzi vake kuti vave nekachikepe kokuti arambe achishandisa kuti boka revanhu rirege kumumomotera.
10 Nokuti akarapa vazhinji, zvokuti vose vakanga vaine hosha dzinotambudza vakanga vachiwira paari kuti vamubate.+
11 Kunyange midzimu isina kuchena,+ pose payaimuona, yaigwadama pamberi pake yoshevedzera, ichiti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.”+
12 Asi kazhinji akairayira zvakasimba kuti isaita kuti azivikanwe.+
13 Zvino akakwira mugomo akashevedza vaya vaaida,+ uye ivo vakaenda kwaaiva.+
14 Akaumba boka revane gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti “vaapostora,” kuti varambe vainaye uye kuti avatume kunoparidza+
15 uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.+
16 Zvino boka revane gumi nevaviri raakaumba raiva, Simoni, waakatumidzawo zita rokuti Petro,+
17 naJakobho mwanakomana waZebhedhi naJohani munun’una waJakobho+ (akatumidzawo ava zita rokuti Bhoanajisi, rinoreva kuti Vanakomana Vokutinhira),
18 naAndreya naFiripi naBhatoromeyo naMateu naTomasi naJakobho mwanakomana waArifiyosi naTadhiyosi naSimoni muKenani
19 naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.+
Zvino akapinda mune imwe imba.
20 Boka revanhu rakaunganazve, zvokuti vakanga vasingakwanisi kunyange kudya zvokudya.+
21 Asi hama dzake+ padzakazvinzwa, dzakabuda kuti dzinomubata, nokuti dzakanga dzichiti: “Ava kupenga.”+
22 Uyewo, vanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakanga vachiti: “Iye anaBherizebhubhu, uye anodzinga madhimoni achishandisa mutongi wemadhimoni.”+
23 Naizvozvo, avashevedza, akatanga kutaura navo achishandisa mifananidzo, achiti: “Satani angadzinga sei Satani?
24 Chokwadi, kana umambo hukapesana pachahwo, umambo ihwohwo hahungamiri;+
25 uye kana imba ikapesana pachayo, imba iyoyo haingakwanisi kumira.+
26 Uyewo, kana Satani azvimukira iye apesana, haangamiri, asi ava kusvika kumugumo.+
27 Chokwadi, hapana munhu anoti kana apinda muimba yomunhu akasimba angakwanisa kupamba+ zvinhu zvake zvinotakurika kana akasatanga asunga munhu wacho akasimba, obva apamba imba yake.+
28 Chokwadi ndinoti kwamuri zvinhu zvose zvichakanganwirwa vanakomana vevanhu, pasinei nokuti zvivi zvavakapara zvakaita sei uye kuti kumhura kwavakaita kwakaita sei.+
29 Zvisinei, munhu wose anomhura mudzimu mutsvene haakanganwirwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”+
30 Iye akadaro, nokuti vakanga vachiti: “Ane mudzimu usina kuchena.”+
31 Zvino amai vake nevanun’una vake+ vakasvika, uye, zvavakanga vakamira kunze, vakatumira shoko kuti ashevedzwe.+
32 Sezvineiwo, boka revanhu rakanga rigere rakamupoteredza, naizvozvo vakati kwaari: “Tarira! Amai vako nevanun’una vako vari panze vari kukutsvaka.”+
33 Asi achipindura, akati kwavari: “Amai vangu ndiani uye vanun’una vangu ndivanaani?”+
34 Zvino atarira-tarira pane vaya vakanga vagere naye vakamukomba, akati: “Onai, amai vangu nevanun’una vangu!+
35 Munhu wose anoita kuda kwaMwari, iyeyu ndiye munun’una wangu nehanzvadzi naamai.”+