Mako 7:1-37
7 Zvino vaFarisi nevamwe vevanyori vakanga vabva kuJerusarema vakamuunganira.+
2 Pavakaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvokudya zvavo nemaoko akasviba, kureva kuti, asina kugezwa+—
3 nokuti vaFarisi nevamwe vaJudha vose havadyi kana vasati vageza maoko avo kusvikira kugokora, vachibatisisa tsika yevanhu vomunguva yekare,
4 uye, kana vadzoka kubva kumusika, havadyi kana vasati vazvichenesa nokusasa; uye pane dzimwe tsika+ zhinji dzavakagamuchira kuti vabatisise, kubhabhatidza makapu nemajagi nemidziyo yemhangura;+—
5 naizvozvo vaFarisi ava nevanyori vakamubvunza kuti: “Nei vadzidzi vako vasingazvibati maererano netsika yevanhu vomunguva yekare, asi vanodya zvokudya zvavo nemaoko akasviba?”+
6 Iye akati kwavari: “Isaya akaprofita zvakakodzera pamusoro penyu imi vanyengeri, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti,+ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.+
7 Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’+
8 Munobatisisa tsika yevanhu muchirega murayiro waMwari.”+
9 Uyezve, akati kwavari: “Munorerutsa murayiro+ waMwari nenzira youngwaru kuti muchengete tsika yenyu.
10 Somuenzaniso, Mosesi akati, ‘Kudza baba vako naamai vako,’+ uye, ‘Anotuka baba kana amai ngaafe.’+
11 Asi imi munoti, ‘Kana munhu akati kuna baba vake kana amai vake: “Chose chandiinacho chandingakubatsirai nacho ikobhani,+ (zvinoreva kuti, chipo chakatsaurirwa+ kuna Mwari,)”’—
12 hamuchamuregizve achiitira baba vake kana amai vake kunyange chinhu chimwe chete,+
13 nokudaro imi munoita kuti shoko raMwari+ rishaye simba netsika yenyu yamakagamuchidzana. Munoita zvinhu zvizhinji+ zvakafanana neizvi.”
14 Naizvozvo, achishevedza boka revanhu, akabva ati kwavari: “Nditeererei, imi mose, munzwisise.+
15 Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chinopinda maari chinogona kumusvibisa; asi zvinhu zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu.”+
16 ——
17 Zvino akati apinda muimba yaiva kure neboka revanhu, vadzidzi vake vakatanga kumubvunza pamusoro pomufananidzo wacho.+
18 Naizvozvo akati kwavari: “Nemiwo hamunzwisisi saivo here?+ Hamuzivi here kuti hapana chinhu chinobva kunze chinopinda mumunhu chinogona kumusvibisa,
19 sezvo chichipinda muura hwake, kwete mumwoyo make, chobudira mugomba retsvina?”+ Nokudaro akareva kuti zvokudya zvose zvakachena.+
20 Uyezve, akati: “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu;+
21 nokuti mukati, mumwoyo mevanhu,+ munobuda kufunga kunokuvadza: ufeve,+ umbavha, umhondi,+
22 upombwe, kuchochora,+ mabasa akaipa, unyengeri, kusazvibata,+ ziso rine shanje, kumhura, kuzvikudza, upenzi.
23 Zvinhu zvose izvi zvakaipa zvinobuda mukati zvosvibisa munhu.”+
24 Achibva ipapo akasimuka, akaenda munzvimbo dzeTire neSidhoni.+ Zvino akapinda mune imwe imba uye haana kuda kuti vanhu vazvizive. Asi aisagona kudzivisa kuonekwa;+
25 uye mumwe mukadzi akanga aine mwanasikana muduku akanga aine mudzimu usina kuchena akanzwa nezvake, akabva auya, akagwadama patsoka dzake.+
26 Mukadzi wacho akanga ari muGiriki, worudzi rwechiSirofenikiya; uye akaramba achimukumbira kuti adzinge dhimoni pamwanasikana wake.+
27 Asi akatanga nokuti kwaari: “Rega vana vatange vaguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana+ wochikandira imbwa duku.”+
28 Zvisinei, achipindura, iye akati kwaari: “Hungu, changamire, asi imbwa duku dziri pasi petafura dzinodya mafufu+ evana vaduku.”+
29 Iye akati kwaari: “Nokuti wataura izvi, chienda; dhimoni rabuda mumwanasikana wako.”+
30 Naizvozvo akaenda kumba kwake, akawana+ mwana wacho muduku akarara pamubhedha uye dhimoni rabuda.
31 Zvino achidzoka kubva kunzvimbo dzeTire akapfuura nomuSidhoni akaenda kugungwa reGarireya akapfuura nepakati penzvimbo dzeDhekaporisi.+
32 Uye vakauya kwaari nomunhu akanga ari matsi uye ainetseka kutaura, vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari.+
33 Zvino akamubvisa muboka revanhu chinyararire, akaisa minwe yake munzeve dzomurume wacho uye, pashure pokunge apfira mate, akabata rurimi rwake.+
34 Achitarira kudenga+ akatura befu,+ akati kwaari: “Efufata,” zvinoreva kuti, “Vhurika.”
35 Naizvozvo nzeve dzake dzakavhurika,+ chaisunga rurimi rwake chikasununguka, akatanga kutaura zvakanaka.
36 Naizvozvo akavarayira kuti varege kuudza vanhu;+ asi paaivarayira kwazvo, vaibva vatonyanya kuzvizivisa.+
37 Chokwadi, vakanga vachishamiswa+ zvokushamiswa zviya uye vakati: “Aita zvinhu zvose zvakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye vasingatauri vataure.”+