Mako 8:1-38
8 Mumazuva iwayo, pakwakanga kuine boka guru revanhu zvakare uye pavakanga vasina chinhu chokudya, akashevedza vadzidzi akati kwavari:+
2 “Ndinosiririswa+ neboka iri revanhu, nokuti atova mazuva matatu avaramba vari pedyo neni uye havana chokudya;
3 kana ndikavaendesa kumisha yavo vasina kudya, vachaziya mumugwagwa. Chokwadi, vamwe vavo vanobva kure.”
4 Asi vadzidzi vake vakamupindura kuti: “Munhu angakwanisa kugutisa vanhu ava nezvingwa zvinobva kupi munzvimbo ino isina vanhu?”+
5 Zvisinei iye akavabvunza kuti: “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati: “Zvinomwe.”+
6 Zvino akarayira boka revanhu kuti ritsenhame pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akaonga,+ akazvimedura, akatanga kuzvipa vadzidzi vake kuti vazvipe vanhu, ivo vakazvipa boka racho revanhu.+
7 Vaivawo nehove duku shoma; uye, adzikomborera, akavaudzawo kuti vadzipe vanhu.+
8 Naizvozvo vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvimedu zvakasara, zvikaita matengu manomwe akazara.+
9 Asi pakanga paine varume vanenge zviuru zvina. Pakupedzisira akavaendesa.+
10 Akabva angokwira muchikepe nevadzidzi vake, vakapinda mumativi eDharimanuta.+
11 Zvino vaFarisi vakauya, vakatanga kuita nharo naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, kuti vamuedze.+
12 Naizvozvo akagomera+ neshungu, akati: “Chizvarwa ichi chinotsvakirei chiratidzo? Chokwadi ndinoti, Hapana chiratidzo chichapiwa chizvarwa ichi.”+
13 Naizvozvo akavasiya, akakwirazve muchikepe, akaenda mhiri.
14 Sezvineiwo, vakakanganwa kuenda nezvingwa, uye vakanga vasina chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.+
15 Zvino akatanga kuvarayira zvakajeka achiti: “Rambai makasvinura, chenjererai mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhi.”+
16 Naizvozvo vakatanga kuitirana nharo pamusoro pokuti vakanga vasina zvingwa.+
17 Achiona izvi, akati kwavari: “Nei muchiitirana nharo pamusoro pokusava kwenyu nezvingwa?+ Hamusati mava kunzwisisa nokuwana zvazvinoreva here? Mwoyo yenyu yakagomara pakunzwisisa here?+
18 ‘Kunyange muine maziso, hamuoni here; uye kunyange muine nzeve, hamunzwi here?’+ Uye hamuyeuki here,
19 pandakamedurira varume zviuru zvishanu zvingwa zvishanu,+ tswanda ngani dzakazara nezvimedu zvamakanhonga?” Ivo vakati kwaari: “Gumi nembiri.”+
20 “Pandakamedurira varume zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makaunganidza matengu mangani akazara nezvimedu?” Ivo vakati kwaari: “Manomwe.”+
21 Naizvozvo akati kwavari: “Hamusati mava kunzwisisa here?”+
22 Zvino vakasvika kuBhetisaidha. Uye vanhu vakauya kwaari nebofu, vakamuteterera kuti aribate.+
23 Iye akabata bofu racho ruoko, akabuda naro kunze kwomusha, uye apfira mate+ pamaziso aro, akaisa maoko ake pariri, akatanga kuribvunza kuti: “Pane chauri kuona here?”
24 Murume wacho akatarira-tarira, akatanga kuti: “Ndiri kuona vanhu, nokuti ndiri kuona zvinhu zvakaita semiti, asi iri kufamba-famba.”
25 Akabva aisazve maoko ake pamaziso omurume wacho, murume wacho akanyatsoona, uye akaporeswa, uye akanga ava kunyatsoona zvinhu zvose.
26 Naizvozvo akamuendesa kumba, achiti: “Asi rega kupinda mumusha.”+
27 Zvino Jesu nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya Firipi, uye vari munzira akatanga kubvunza vadzidzi vake, achiti kwavari: “Vanhu vari kuti ndini ani?”+
28 Ivo vakati kwaari: “Johani Mubhabhatidzi,+ uye vamwe, Eriya,+ vamwewo, Mumwe wevaprofita.”+
29 Zvino akavabvunza kuti: “Ko imi munoti ndini ani?” Achipindura, Petro akati kwaari: “Ndimi Kristu.”+
30 Akabva avarayira zvakasimba kuti varege kuudza chero munhu upi zvake nezvake.+
31 Uyewo, akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambura zvinhu zvizhinji, orambwa nevarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori ourayiwa,+ ozomuka kwapera mazuva matatu.+
32 Chokwadi, akanga achitaura mashoko iwayo asingavanzi. Asi Petro akaenda naye parutivi, akatanga kumutsiura.+
33 Iye akatendeuka, akatarira vadzidzi vake, akatsiura Petro, akati: “Enda shure kwangu, Satani, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”+
34 Zvino akashevedza boka revanhu nevadzidzi vake, akati kwavari: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera.+
35 Nokuti munhu wose anoda kuponesa mweya wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu nemashoko akanaka achauponesa.+
36 Chokwadi, zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yose orasikirwa nomweya wake?+
37 Chokwadi, munhu angatsinhananisa mweya wake nechii?+
38 Nokuti munhu wose anonyara ini nemashoko angu muchizvarwa ichi choupombwe chinotadza, Mwanakomana womunhu achamunyarawo+ paanosvika ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi tsvene.”+