Pisarema 1:1-6
1 Anofara+ munhu asingafambi maererano nezano revakaipa,+Asingamiri munzira yevatadzi,+Asingagari pachigaro chevaseki.+
2 Asi anofarira mutemo waJehovha,+Anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku.+
3 Achava somuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura,+Unobereka michero yawo mumwaka wawo+Uye une mashizha asingasvavi,+Uye zvose zvaanoita zvichabudirira.+
4 Vakaipa havana kudaro,Asi vakaita sehundi inopeperetswa nemhepo.+
5 Ndokusaka vakaipa vasingazomiri pakutongwa,+Nevatadzi vasingazomiriwo muungano yevakarurama.+
6 Nokuti Jehovha anoziva nzira yevakarurama,+Asi nzira yevakaipa ichaparara.+