Pisarema 10:1-18

ל [Laʹmedh] 10  Haiwa Jehovha, munorambirei makamira kure?+Munorambirei makavanda munguva dzokutambudzika?+   Munhu akaipa anodzingirira anotambudzika achizvikudza;+Vanobatwa nepfungwa dzavakafunga.+   Nokuti munhu akaipa anozvirumbidza pamusoro pechido choudyire chomweya wake,+Munhu anowana mubereko usina kukodzera+ anozvirumbidza;נ [Nun]Haaremekedzi Jehovha.+   Munhu akaipa haatsvaki Mwari+ nokuda kwokuzvikudza kwake;Zvaanongofunga ndezvokuti: “Mwari haako.”+   Nzira dzake dzinoramba dzichibudirira nguva dzose.+Zvamakatonga zviri kumusoro kwaasingasvikiri;+Vose vaya vanomuvenga, anovashora.+   Anoti mumwoyo make: “Handizozununguswi;+Handizovi mudambudziko kwezvizvarwa nezvizvarwa.”+ פ [Peʼ]   Muromo wake uzere nemhiko nounyengeri nokudzvinyirira.+Zvinotambudza nezvinhu zvinokuvadza zviri pasi porurimi rwake.+   Anogara akavandira mumisha;Achauraya munhu asina mhosva munzvimbo dzakavanda.+ע [ʽAʹyin]Maziso ake anotsvaka munhu anotambudzika.+   Anoramba akavandira munzvimbo yakavanda seshumba iri munzvimbo yayo yokuvanda.+Anoramba akavandira+ kuti abate munhu anotambudzika nechisimba.Anobata anotambudzika nechisimba paanovhara mambure ake.+ 10  Anotambudzika wacho anodzvinyirirwa, anokotama,Uye vazhinji vakasuruvara vanowira munzara dzakasimba dzomunhu akaipa.+ 11  Iye anoti mumwoyo make:+ “Mwari akanganwa.+Avanza chiso chake.+Haazombozvioni.”+ ק [Qohph] 12  Haiwa Jehovha, simukai.+ Haiwa Mwari, simudzai ruoko rwenyu.+Regai kukanganwa vanotambudzika.+ 13  Nei munhu akaipa asingaremekedzi Mwari?+Iye anoti mumwoyo make: “Hamuzoiti kuti ndizvidavirire.”+ ר [Rehsh] 14  Nokuti imi makaona zvinotambudza nenhamo.Munoramba makatarira, kuti muzviise muruoko rwenyu.+Munhu anotambudzika,+ nherera, anozviisa kwamuri.Imi makava mubatsiri wake.+ ש [Shin] 15  Tyorai ruoko rwomunhu akaipa neakashata.+Tsvakai zvakaipa zvake kusvikira musingachazviwani.+ 16  Jehovha ndiMambo nokusingagumi kunyange nokusingaperi.+Marudzi akaparara munyika yake.+ ת [Taw] 17  Haiwa Jehovha, muchanzwa zvinodiwa nevanyoro.+Muchagadzirira mwoyo yavo.+Muchateerera nenzeve yenyu,+ 18  Kuti mutongere nherera nomunhu akadzvinyirirwa,+Kuti munhuwo zvake wepanyika arege kuita kuti pave nokudederazve.+

Mashoko Emuzasi