Pisarema 100:1-5
Rwiyo rwokuonga.+
100 Shevedzerai kuna Jehovha mukukunda, imi mose vanhu vepanyika.+
2 Shumirai Jehovha muchifara.+Uyai pamberi pake muchishevedzera nomufaro.+
3 Zivai kuti Jehovha ndiMwari.+Ndiye akatisika, kwete isu pachedu.+Isu tiri vanhu vake nemakwai emafuro ake.+
4 Pindai pamagedhi ake muchionga,+Pindai muzvivanze zvake muchirumbidza.+Muongei, rumbidzai zita rake.+
5 Nokuti Jehovha akanaka;+Mutsa wake worudo unogara nokusingagumi,+Kutendeka kwake kunogara kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.+