Pisarema 101:1-8
Rwiyo rwaDhavhidhi.
101 Ndichaimba nezvomutsa worudo nokururamisira.+Ndichakuimbirai, haiwa Jehovha.+
2 Ndichaita nokungwara nenzira isina mhosva.+Muchauya rini kwandiri?+Ndichafamba-famba mumba mangu nomwoyo wakarurama.+
3 Handizoisi chinhu chisingabatsiri pamberi pemaziso angu.+Ndakavenga zvinoitwa nevaya vanotsauka;+Hazvindinamatiri.+
4 Mwoyo usina kururama ngaubve kwandiri;+Hapana chakaipa chandinoziva.+
5 Munhu wose anochera shamwari yake pakavanda,+Ndinomuita kuti anyarare.+Ani naani anozvikudza uye ane mwoyo unozvitutumadza,+Handigoni kumushivirira.+
6 Maziso angu ari pane vakatendeka vari panyika,+Kuti vagare neni.+Munhu anofamba nenzira isina mhosva,+Ndiye achandishumira.+
7 Hapana munyengeri+ achagara mumba mangu.Ani naani anoreva nhema, haazosimbiswi kwazvo+Pamberi pangu.+
8 Mangwanani oga oga ndichaita kuti vakaipa vose vari panyika vanyarare,+Kuti ndiparadze vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza+ vari muguta+ raJehovha.