Pisarema 102:1-28
Munyengetero womunhu anotambudzika paanoshayiwa simba, odururira kunetseka kwake pamberi paJehovha.+
102 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu;+Kuchemera kwangu kubatsirwa ngakuuye kwamuri.+
2 Musandivanzira chiso chenyu pazuva randinenge ndichitambudzika kwazvo.+Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;+Pazuva randinoshevedza, kurumidzai, ndipindurei.+
3 Nokuti mazuva angu asvika pakuguma sezvinongoita utsi,+Uye mapfupa angu atsvuka kuti piriviri sechoto.+
4 Mwoyo wangu warohwa sezvinomera uye waoma,+Nokuti ndakanganwa kudya zvokudya zvangu.+
5 Nokuda kwokugomera kwangu+Mapfupa angu anamatirana nenyama yangu.+
6 Ndava sesekwe romuromo murefu romusango.+Ndaita sezizi duku romunzvimbo dzakaitwa matongo.
7 Ndaonda,Uye ndaita seshiri iri yoga iri padenga reimba.+
8 Vavengi vangu vanondizvidza zuva rose.+Vaya vanondiita benzi vakapika neni.+
9 Nokuti ndakadya madota sezvokudya;+Uye zvinhu zvandinonwa ndakazvivhenganisa nokuchema,+
10 Nokuda kwokutsamwa kwenyu nehasha dzenyu;+Nokuti makandisimudza, kuti mundirase.+
11 Mazuva angu akaita somumvuri wapera,+Uye ini ndaoma sezvinomera.+
12 Asi imi, haiwa Jehovha, muchagara nokusingagumi,+Chiyeuchidzo chenyu chichavapo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
13 Imi muchasimuka, muchanzwira Ziyoni ngoni,+Nokuti ndiwo mwaka wokurifarira,Nokuti nguva yakatarwa yasvika.+
14 Nokuti vashumiri venyu vakafarira matombo aro,+Vanonzwira nyasha guruva raro.+
15 Marudzi achatya zita raJehovha,+Uye madzimambo ose epanyika achatya kubwinya kwenyu.+
16 Nokuti Jehovha achavaka Ziyoni;+Achaoneka ari mukubwinya kwake.+
17 Achateerera munyengetero wevaya vakapfekenurwa zvinhu zvose,+Haazozvidzi munyengetero wavo.+
18 Izvi zvakanyorerwa chizvarwa chomunguva yemberi;+Uye vanhu vachasikwa vacharumbidza Jah.+
19 Nokuti akatarira pasi ari munzvimbo yake tsvene yakakwirira,+Jehovha akatarira panyika ari kumatenga,+
20 Kuti anzwe kugomera kwomusungwa,+Kuti asunungure vaya vakatemerwa kufa;+
21 Kuti zita raJehovha riziviswe muZiyoni+Uye kurumbidzwa kwake kuziviswe muJerusarema,+
22 Marudzi paanoungana,+Noumambo kuti hushumire Jehovha.+
23 Akatapudzira simba rangu panzira,+Akatapudza mazuva angu.+
24 Ini ndakati: “Haiwa Mwari wangu,Musandibvisa ndava pahafu yemazuva angu;+Makore enyu anosvika kuzvizvarwa zvose.+
25 Imi makavaka nheyo dzenyika kare kare,+Uye matenga ibasa remaoko enyu.+
26 Izvo zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;+Zvose zvazvo zvichasakara sezvinoita nguo.+Muchazvitsiva sezvinoitwa chipfeko, uye zvichapedza jana razvo.+
27 Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haazoperi.+
28 Vanakomana vevashumiri venyu vacharamba vachigara;+Uye vana vavo vachasimbiswa kwazvo pamberi penyu.”+