Pisarema 104:1-35
104 Rumbidza Jehovha, haiwa mweya wangu.+Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo.+Makapfeka kukudzwa nokubwinya,+
2 Muchizviputira nechiedza senguo,+Muchitatamura matenga sejira retende,+
3 Iye anovaka dzimba dzake dzepamusoro matanda acho akadzikwa mumvura,+Anoita kuti makore ave ngoro yake,+Anofamba ari pamapapiro emhepo,+
4 Anoita kuti ngirozi dzake dzive midzimu,+Vashumiri vake vave moto unoparadza.+
5 Akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji;+Haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.+
6 Makaifukidza nemvura yakadzika senguo.+Mvura yakanga yakamira pamusoro pemakomo.+
7 Yakatanga kutiza pamakaituka;+Yakatiza yavhunduka ruzha rwokutinhira kwenyu—
8 Makomo akakwira,+Mapani akadzika—Kunzvimbo yamakazvivakira nheyo.
9 Makaisa muganhu, waisingafaniri kupfuura,+Kuti irege kufukidzazve nyika.+
10 Iye anotuma zvitubu mumipata ine hova;+Mvura yacho inoramba ichienda nepakati pemakomo.
11 Zvinoramba zvichipa mhuka dzose dzomusango mvura yokunwa;+Mbizi+ dzinogara dzichipedza nyota yadzo.
12 Zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga zvinogara pamusoro payo;+Zvinoramba zvichirira zviri mutumapazi tuzhinji.+
13 Iye anodiridza makomo ari mudzimba dzake dzepamusoro.+Nyika inogutswa nezvibereko zvemabasa enyu.+
14 Anomeresera mhuka uswa hwakasvibirira,+Nezvinomera kuti zvishandiswe nevanhu,+Kuti abudise zvokudya panyika,+
15 Newaini inoita kuti mwoyo womunhuwo zvake ufare,+Kuti apenyese chiso nemafuta,+Nechingwa chinotsigira mwoyo womunhuwo zvake.+
16 Miti yaJehovha inogutswa,Iyo misidhari yokuRebhanoni yaakadyara,+
17 Umo shiri dzinovaka matendere.+Kana riri shuramurove, miti yomujunipa ndiyo imba yaro.+
18 Makomo+ marefu ndeembudzi dzomumakomo;+Mabwe inzvimbo yokupotera yembira.+
19 Iye akaita mwedzi kuti atare nguva;+Zuva rinoziva kwarinovira.+
20 Munoita kuti pave nerima, kuti kuve usiku;+Mhuka dzose dzomusango dzinofamba-famba mariri.
21 Vana veshumba vava nezenze vanodzvovera mhuka+Uye kuti vatsvake zvokudya zvavo kubva kuna Mwari.+
22 Zuva rinotanga kupenya+—ivo voendaUye vanorara munzvimbo dzavo dzokuvanda.
23 Munhu anobuda kuti aite basa rake,+Uye kuti ashande basa rake kusvikira manheru.+
24 Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei!+Ose zvawo makaaita nouchenjeri.+Nyika izere nezvinhu zvamakaita.+
25 Kana riri gungwa iri rakakura kwazvo uye rakafara,+Imomo mune zvinhu zvinofamba zvisingaverengeki,+Zvisikwa zvipenyu, zviduku pamwe chete nezvikuru.+
26 Ngarava dzinofamba imomo;+Makaumbawo Revhiatani+ kuti itambire mariri.+
27 Zvose zvazvo—zvinoramba zvakakumirirai+Kuti muzvipe zvokudya zvazvo mumwaka wazvo.+
28 Zvinonhonga zvamunozvipa.+Munovhura ruoko rwenyu—izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.+
29 Kana mukavanza chiso chenyu, zvinonetseka.+Kana mukabvisa simba razvo roupenyu, izvo zvinofa,+Uye zvinodzokera kuguruva razvo.+
30 Kana mukatuma simba renyu rinoita basa, izvo zvinosikwa;+Munoita kuti chiso chevhu chive chitsva.
31 Kubwinya kwaJehovha kucharamba kuripo nokusingagumi.+Jehovha achafarira mabasa ake.+
32 Anotarira nyika, iyo yodedera;+Anobata makomo, iwo opfungaira.+
33 Ndichaimbira Jehovha muupenyu hwangu hwose;+Ndichaimbira Mwari wangu rwiyo chero bedzi ndichiri mupenyu.+
34 Kufungisisa kwandinoita pamusoro pake ngakumufadze.+Ini ndichafarira Jehovha.+
35 Vatadzi vachapedzwa chose panyika;+Vakaipa havazovipozve.+Rumbidza Jehovha, haiwa mweya wangu. Imi rumbidzai Jah!+