Pisarema 11:1-7
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
11 Ini ndakapotera kuna Jehovha.+Imi mungati sei kumweya wangu:“Tizirai kugomo renyu sezvinoita shiri!+
2 Nokuti tarirai! vakaipa vanokunga uta,+Vanokunga museve wavo pauta,Kuti vapfure vane mwoyo yakarurama murima.+
3 Nheyo padzinoputswa,+Munhu akarurama angaitei?”
4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene.+Jehovha—chigaro chake choumambo chiri kumatenga.+Maziso ake anoona, maziso ake anopenya anoongorora+ vanakomana vevanhu.
5 Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa,+Mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.+
6 Achanayisira vakaipa zviteyeso, moto nesarufa+Nemhepo inopisa, kuti uve mugove wekapu yavo.+
7 Nokuti Jehovha akarurama;+ anoda mabasa akarurama.+Vakarurama ndivo vachaona chiso chake.+