Pisarema 110:1-7
Rwiyo rwaDhavhidhi.
110 Jehovha akati kunaShe wangu:+“Gara kuruoko rwangu rworudyi+Kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”+
2 Jehovha achatambanudza tsvimbo+ yesimba rako kubva muZiyoni,+ achiti:“Enda ukunde pakati pevavengi vako.”+
3 Vanhu vako+ vachazvipa nomwoyo unoda+ pazuva raunoenda neuto rako rehondo kunorwa.+Mukubwinya kwoutsvene,+ kubva muchibereko chemambakwedza,Une boka rako remajaya akaita semadonhwe edova.+
4 Jehovha akapika+ (uye haazozvidembi)+ kuti:“Iwe uri mupristi nokusingagumi+Maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki!”+
5 Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi+Achaputsa-putsa madzimambo pazuva rokutsamwa kwake.+
6 Achatonga pakati pemarudzi;+Achaita kuti zvitunha zviwande.+Achaputsa-putsa mukuru anotonga nyika ine vanhu vazhinji.+
7 Achanwa mvura mumupata une rukova uri munzira.+Ndokusaka achasimudza musoro wake.+