Pisarema 118:1-29

118  Ongai Jehovha, nokuti akanaka;+Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.+   Zvino Israeri ngaati:“Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.”+   Zvino vaya veimba yaAroni ngavati:+“Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.”+   Zvino vaya vanotya Jehovha ngavati:+“Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.”+   Ndakadana Jah ndichitambudzika;+Jah akapindura, akandiisa munzvimbo yakakura.+   Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi.+Munhu wepanyika angandiitei?+   Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pevaya vanondibatsira,+Zvokuti ndichaona vaya vanondivenga vari pasi.+   Zviri nani kupotera kuna Jehovha+Pane kuvimba nomunhu wepanyika.+   Zviri nani kupotera kuna Jehovha+Pane kuvimba nevanokudzwa.+ 10  Marudzi ose akandikomba.+Ndakaramba ndichiadzivisa ndichishandisa zita raJehovha.+ 11  Akandikomba, chokwadi, akaita kuti ini ndikombwe.+Ndakaramba ndichiadzivisa ndichishandisa zita raJehovha. 12  Iwo akandikomba sezvinoita nyuchi;+Akadzimwa somoto wemakwenzi eminzwa.+Ndakaramba ndichiadzivisa ndichishandisa zita raJehovha.+ 13  Iwe wakandisunda nesimba kuti ndiwire pasi,+Asi Jehovha akandibatsira.+ 14  Jah ndiye anondidzivirira uye ndiye simba rangu,+Anova ruponeso rwangu.+ 15  Inzwi rokushevedzera kwokufara noruponeso+Riri mumatende+ evakarurama.+Ruoko rworudyi rwaJehovha ruri kuratidza simba.+ 16  Ruoko rworudyi rwaJehovha ruri kukwidziridzwa;+Ruoko rworudyi rwaJehovha ruri kuratidza simba.+ 17  Handizofi, asi ndicharamba ndichirarama,+Kuti ndizivise mabasa aJah.+ 18  Jah akandiruramisa zvinorwadza,+Asi haana kundiisa kurufu.+ 19  Imi ndivhurirei magedhi okururama.+Ndichapinda nepaari; ndicharumbidza Jah.+ 20  Iri ndiro gedhi raJehovha.+Vakarurama vachapinda nepariri.+ 21  Ndichakurumbidzai, nokuti makandipindura+Uye makava ruponeso rwangu.+ 22  Dombo rakarambwa nevavaki+Razova musoro wekona.+ 23  Iri rakabva kuna Jehovha;+Rinoshamisa mumaziso edu.+ 24  Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;+Tichafara nokufarisisa mariri.+ 25  Aa, zvino, Jehovha, ndapota ponesai!+Aa, zvino, Jehovha, ndapota itai kuti zvibudirire!+ 26  Ngaakomborerwe Iye anouya nomuzita raJehovha;+Takakukomborerai tiri mumba maJehovha.+ 27  Jehovha ndiye Mwari,+Uye anotipa chiedza.+Haiwa, imi vanhu shongedzai nematavi+ mudungwe wevanhu vanofamba pamutambo,+Kusvikira kunyanga dzeatari.+ 28  Ndimi Mwari wangu, ndichakurumbidzai;+Mwari wangu—ndichakukudzai.+ 29  Ongai Jehovha, nokuti akanaka;+Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.+

Mashoko Emuzasi