Pisarema 12:1-8
Kumutungamiriri wokurira kunonzwikira pasi pasi.+ Rwiyo rwaDhavhidhi.
12 Ndiponesei,+ haiwa Jehovha, nokuti hapasisina munhu akavimbika;+Nokuti vanhu vakatendeka vanyangarika pakati pevanakomana vevanhu.
2 Vanoramba vachitaurirana nhema;+Vanoramba vachitaura nomuromo unonyengera+ kunyange nemwoyo miviri.+
3 Jehovha achacheka miromo yose inonyengera,Pamwe chete norurimi runotaura zvinhu zvikuru,+
4 Vaya vakati: “Tichakunda norurimi rwedu.+Tine miromo yedu. Ndiani achava tenzi wedu?”
5 “Nokuda kwokupambwa kwevanotambudzika, nokuda kwokugomera kwevarombo,+Ndichasimuka panguva ino,” anodaro Jehovha.+“Ndichamuchengetedza pamunhu wose anomushora.”+
6 Mashoko aJehovha mashoko akachena,+Sesirivha yakanatswa muvira rokunyungudutsira repanyika, yakacheneswa kanomwe.
7 Haiwa Jehovha, imi muchavarinda;+Muchachengeta mumwe nomumwe pachizvarwa ichi nokusingagumi.
8 Vakaipa vanofamba kumativi ose,Nokuti zvakaipa zvinokwidziridzwa pakati pevanakomana vevanhu.+