Pisarema 122:1-9
Rwiyo Rwokukwira. Rwiyo rwaDhavhidhi.
122 Ndakafara pavaiti kwandiri:+“Handei+ kuimba yaJehovha.”+
2 Tsoka dzedu dzakamira+Mumagedhi ako, haiwa iwe Jerusarema.+
3 Jerusarema ndiro rakavakwa seguta+Rakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe,+
4 Uko madzinza akakwira achienda,+Iwo madzinza aJah,+Sechiyeuchidzo kuna Israeri+Kuti anoonga zita raJehovha.+
5 Nokuti zvigaro zvoumambo zvokutonga zvave zvakagara ikoko,+Zvigaro zvoumambo zveimba yaDhavhidhi.+
6 Haiwa, kumbirirai Jerusarema kuti rive norugare.+Haiwa iwe guta, vaya vanokuda havazonetseki.+
7 Rugare ngarurambe ruri mukati morusvingo rwako runodzivirira,+Kusanetseka ngakurambe kuri mushongwe dzako dzokugara.+
8 Zvino ndichataura nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu ndichiti:+“Rugare ngaruve mukati mako.”+
9 Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu+Ndicharamba ndichikutsvakira zvakanaka.+