Pisarema 125:1-5
Rwiyo Rwokukwira.
125 Vaya vanovimba naJehovha+Vakaita seGomo reZiyoni,+ risingagoni kuzununguswa, asi rinogara nokusingagumi.+
2 Jerusarema—zvarakapoteredzwa nemakomo,+Saizvozvowo Jehovha akapoteredza vanhu vake+Kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+
3 Nokuti tsvimbo youmambo yezvakaipa haizorambi ichizorora+ pamugove wevakarurama,Kuti vakarurama varege kutambanudza maoko avo kuti vaite chero zvakaipa zvipi zvazvo.+
4 Haiwa itai zvakanaka, haiwa Jehovha, kune vaya vakanaka,+Kunyange kune vaya vane mwoyo yakarurama.+
5 Asi vaya vanotsaukira kunzira dzavo dzisina kururama,+Jehovha achavabvisa pamwe chete nevanoita zvinhu zvinokuvadza.+Israeri achava norugare.+