Pisarema 128:1-6
Rwiyo Rwokukwira.
128 Anofara munhu wose anotya Jehovha,+Anofamba munzira dzake.+
2 Nokuti iwe uchadya zvawakashandira zvakaoma nemaoko ako.+Uchafara uye zvichakufambira zvakanaka.+
3 Mudzimai wako achaita somuzambiringa unobereka zvibereko+Mukatikati meimba yako.Vanakomana vako vachaita sotumiti twemiorivhi+ kumativi ose etafura yako.
4 Tarirai! Ndiko kukomborerwa kuchaitwa murume+Anotya Jehovha.+
5 Jehovha achakukomborera muZiyoni.+Onawo kunaka kweJerusarema mazuva ose oupenyu hwako,+
6 Uone vanakomana vevanakomana vako.+Israeri ngaave norugare.+