Pisarema 135:1-21
135 Rumbidzai Jah!+Rumbidzai zita raJehovha,+Murumbidzei, haiwa imi vashumiri vaJehovha,+
2 Imi makamira muimba yaJehovha,+Muzvivanze zveimba yaMwari wedu.+
3 Rumbidzai Jah, nokuti Jehovha akanaka.+Imbirai zita rake, nokuti ndizvo zvinofadza.+
4 Nokuti Jah akasarudza Jakobho,+Israeri kuti ave pfuma yake chaiyo.+
5 Nokuti ini ndinonyatsoziva kuti Jehovha mukuru,+Uye kuti Ishe wedu anopfuura vamwe vanamwari vose.+
6 Jehovha akaita zvinhu zvose zvaaifarira kuita+Kumatenga nepanyika, mumakungwa nomumvura yose yakadzika.+
7 Anokwidza mhute kubva kumugumo wenyika;+Akagadzirira mvura inonaya pokubuda napo;+Anobudisa mhepo mumatura ake,+
8 Iye akauraya matangwe eIjipiti,+Zvose munhu nemhuka.+
9 Akatuma zviratidzo nezvishamiso pakati pako, haiwa iwe Ijipiti,+Pana Farao nepavashandi vake vose;+
10 Ndiye akaparadza marudzi mazhinji+Akauraya madzimambo aiva nesimba,+
11 Kunyange Sihoni mambo wevaAmori+NaOgi mambo weBhashani+Noumambo hwose hweKenani,+
12 Ndiye akapa nyika yavo kuti ive nhaka,+Kuti ive nhaka yevanhu vake vaIsraeri.+
13 Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingagumi.+Haiwa Jehovha, chiyeuchidzo chenyu chinogara kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
14 Nokuti Jehovha acharwira mhosva yevanhu vake,+Uye achazvidemba pamusoro pevashumiri vake.+
15 Zvidhori zvemamwe marudzi isirivha nendarama,+Iro basa remaoko omunhu wepanyika.+
16 Zvine muromo, asi hazvigoni kutaura;+Zvine maziso, asi hazvigoni kuona;+
17 Zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa.+Uyewo hazvina mhepo yokufema mumuromo mazvo.+
18 Vaya vanozvigadzira vachanyatsofanana nazvo,+Ivo vanhu vose vanovimba nazvo.+
19 Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha.+Haiwa imi imba yaAroni, rumbidzai Jehovha.+
20 Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha.+Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.+
21 Jehovha ngaarumbidzwe muZiyoni,+Iye anogara muJerusarema.+Rumbidzai Jah!+