Pisarema 138:1-8
Rwiyo rwaDhavhidhi.
138 Ndichakurumbidzai nomwoyo wangu wose.+Ndichakuimbirai pamberi pevamwe vanamwari.+
2 Ndichakotama ndakatarira kutemberi yenyu tsvene,+Ndicharumbidza zita renyu,+Nokuda kwomutsa wenyu worudo+ uye nokuda kwechokwadi chenyu.+Nokuti makakudza zvamakataura+ kutopfuura zita renyu rose.+
3 Pazuva randakashevedzera, makandipindurawo;+Makashingisa mweya wangu nesimba.+
4 Madzimambo ose epanyika achakurumbidzai, haiwa Jehovha,+Nokuti achange anzwa zvamunotaura nomuromo wenyu.
5 Achaimba nezvenzira dzaJehovha,+Nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.+
6 Nokuti Jehovha akakwirira, uye anoona munhu anozvininipisa;+Asi munhu anozvikudza anongomuziva ari kure.+
7 Kana ndikafamba pakati pokutambudzika, muchandichengetedza ndiri mupenyu.+Muchatambanudza ruoko rwenyu nokuda kwehasha dzevavengi vangu,+Uye ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa.+
8 Jehovha achapedza zvinhu zvine chokuita neni.+Haiwa Jehovha, mutsa wenyu worudo unogara nokusingagumi.+Musarega mabasa emaoko enyu.+