Pisarema 139:1-24
Nokuda kwomutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
139 Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva.+
2 Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu.+Makanzwisisa kufunga kwangu muri kure.+
3 Makayera kufamba kwangu nokuzvambarara kwangu,+Kunyange nzira dzangu dzose munodziziva.+
4 Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu,+Tarirai! Haiwa Jehovha, imi munotoriziva rose.+
5 Makandikomba, shure nemberi;Uye munoisa ruoko rwenyu pandiri.
6 Kuziva kwakadaro kunondishamisa kwazvo.+Kwakakwirira kwazvo zvokuti handigoni kukusvikira.+
7 Ndingaenda kupi kusina mudzimu wenyu,+Ndingatizira kupi kuti ndibve pamberi pechiso chenyu?+
8 Kana ndikakwira kudenga, munenge muriko;+Kana ndikatambanudza mubhedha wangu muSheori, tarirai! munenge murimo.+
9 Kudai ndaizotora mapapiro+ emambakwedza,Kuti ndigare kugungwa riri kure kwazvo,+
10 Ruoko rwenyu rwaizonditungamirira ikokowo+Uye ruoko rwenyu rworudyi rwaizondibata.+
11 Kudai ndaizoti: “Chokwadi rima richakurumidza kundibata!”+Usiku hwaizova chiedza kumativi angu ose.+
12 Kunyange rima raisazova rakanyanyosviba nokuda kwenyu,+Asi usiku hwaizopenya sezvinoita masikati;+Rima raizongovawo chiedza.+
13 Nokuti ndimi makagadzira itsvo dzangu;+Makaramba makandivharidzira mudumbu raamai vangu.+
14 Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.+Mabasa enyu anoshamisa,+Mweya wangu unonyatsozviziva.+
15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri+Pandakaitwa pakavanda,+Pandakarukwa ndiri mumativi akadzikira+ kwazvo enyika.
16 Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa,+Uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu,Kuti mazuva api adzakaumbwa+Uye pakanga pasati pava neimwe chete yadzo.
17 Naizvozvo, pfungwa dzenyu dzinokosha sei kwandiri!+Haiwa Mwari, dzose zvadzo izhinji sei!+
18 Kudai ndaizoedza kudziverenga, dzinopfuura kunyange jecha.+Kana ndikamuka, ndinenge ndichinemi.+
19 Haiwa, kudai imi, haiwa Mwari, maizouraya munhu akaipa!+Kunyange vanhu vane mhosva yeropa+ vaizobva kwandiri,
20 Vaya vanotaura zvinhu pamusoro penyu maererano nepfungwa dzavo;+Vakataura zita renyu pasina+—ivo vavengi venyu.+
21 Handivengi vaya vanokuvengai kwazvo here, haiwa Jehovha,+Uye handisemeswi nevaya vanokumukirai here?+
22 Ndinovavenga kwazvo.+Kwandiri vava vavengi chaivo.+
23 Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu.+Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa,+
24 Muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa,+Munditungamirire panzira+ isingagumi.