Pisarema 14:1-7
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
14 Benzi rakati mumwoyo maro:“Jehovha haako.”+Vakaita zvakashata,+ vakaita zvinosemesa pane zvavakaita.Hapana anoita zvakanaka.+
2 Asi Jehovha akatarira pasi pavanakomana vevanhu ari kudenga,+Kuti aone kana paine munhu ane njere, munhu anotsvaka Jehovha.+
3 Vose vakatsauka,+ vose vane uori zvakafanana;+Hapana anoita zvakanaka,+Kana mumwe chete zvake.+
4 Pavanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza hapana vane zivo here,+Zvavanodya vanhu vangu sokudya kwavanoita chingwa?+Havana kana kumbodana Jehovha.+
5 Vakatya kwazvo vari ikoko,+Nokuti Jehovha ari pakati pechizvarwa chomunhu akarurama.+
6 Imi mainyadzisa zvirongwa zvomunhu anotambudzika,Nokuti Jehovha ndiye nzvimbo yaanopotera.+
7 Haiwa, kudai muZiyoni maiva noruponeso rwaIsraeri!+Jehovha paanodzosa vaya vakatapwa pavanhu vake,+Jakobho ngaafare, Israeri ngaafare.+