Pisarema 142:1-7
Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi, paaiva mubako.+ Munyengetero.
142 Ndakashevedzera kuna Jehovha nenzwi rangu kuti ndibatsirwe;+Ndakachema kuna Jehovha nenzwi rangu kuti ndinzwirwe nyasha.+
2 Ndakaramba ndichidururira kunetseka kwangu pamberi pake;+Ndakaramba ndichitaura nezvokutambudzika kwangu pamberi pake,+
3 Simba+ rangu parakapera mukati mangu.Imi makaziva mugwagwa wangu.+Mugwara randinofamba mariri+Vakandivanzira chiteyeso.+
4 Tarirai kuruoko rworudyi muoneKuti hakuna ari kumbondionawo.+Nzvimbo yangu yokutizira yaparara;+Hapana ari kubvunza nezvomweya wangu.+
5 Ndakashevedzera kwamuri, haiwa Jehovha, kuti ndibatsirwe.+Ndakati: “Ndimi nzvimbo yangu yokupotera,+Mugove wangu+ munyika yevapenyu.”+
6 Teererai kuchema kwangu kwokuteterera,+Nokuti ndava murombo kwazvo.+Ndinunurei pavatambudzi vangu,+Nokuti vakasimba kundipfuura.+
7 Budisai mweya wangu mujeri repasi+Kuti ndirumbidze zita renyu.+Vakarurama ngavandiunganire,+Nokuti munondiitira zvakakodzera.+