Pisarema 144:1-15

Rwiyo rwaDhavhidhi. 144  Jehovha ngaarumbidzwe, iye Dombo rangu,+Iye anodzidzisa maoko angu kurwa,+Uye minwe yangu hondo;   Ndiye mutsa wangu worudo nenhare yangu,+Nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka noMupukunyutsi wangu,+Nhoo+ yangu noMunhu wandakapotera kwaari,+Iye anokunda marudzi achiaisa pasi pangu.+   Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamuine hanya naye,+Iye mwanakomana womunhuwo zvake+ zvamunomufunga?   Munhu akafanana nemhepowo zvayo inofemwa;+Mazuva ake akafanana nomumvuri unopfuura.+   Haiwa Jehovha, rerekai matenga enyu kuti muburuke;+Batai makomo kuti apfungaire.+   Vhenekai nemheni kuti muvaparadzire;+Budisai miseve yenyu kuti muvavhiringidze.+   Tambanudzai maoko enyu muri kumusoro;+Ndisunungurei mundinunure pamvura zhinji,+Paruoko rwevokune imwe nyika,+   Vane miromo yakataura zvinhu zvisiri zvechokwadi+Vane maoko orudyi ari maoko orudyi enhema.+   Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva.+Ndichakuimbirai nechiridzwa chine tambo gumi,+ 10  Iye anopa madzimambo ruponeso,+Iye akasunungura mushumiri wake Dhavhidhi pabakatwa rinokuvadza.+ 11  Ndisunungurei mundinunure muruoko rwevokune imwe nyika,+Vane miromo yakataura zvinhu zvisiri zvechokwadi+Uye vane maoko orudyi ari maoko orudyi enhema,+ 12  Vanoti: “Vanakomana vedu vakaita semiti miduku yatokura ivo vachiri vaduku,+Vanasikana vedu vakaita semabwe epakona akavezwa sezvinoitwa epamuzinda, 13  Matura edu akazara, ane zvinhu zvemarudzi ose,+Makwai edu ari kuwedzera nezviuru, rimwe chete richibereka zviuru gumi, kunze. 14  Mombe dzedu dzine mazamu, pasina inotsemuka uye inosvodza,+Uye pasina kushevedzera munzvimbo dzedu dzinoungana vanhu.+ 15  Vanofara vanhu vanoitirwa saizvozvo!”Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!+

Mashoko Emuzasi