Pisarema 146:1-10
146 Rumbidzai Jah!+Rumbidza Jehovha, haiwa iwe mweya wangu.+
2 Ndicharumbidza Jehovha muupenyu hwangu hwose.+Ndichaimbira Mwari wangu chero bedzi ndiripo.+
3 Usavimba nevanokudzwa,+Kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa.+
4 Simba rake roupenyu rinobuda,+ iye odzokera kuivhu rake;+Nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.+
5 Anofara munhu anobatsirwa naMwari waJakobho,+Anotarira kuna Jehovha Mwari wake,+
6 Iye muiti wedenga nenyika,+Wegungwa, newezvose zviri mazviri,+Iye anoramba aine chokwadi nokusingagumi,+
7 Iye anoruramisira vanobiridzirwa,+Iye anopa vane nzara zvokudya.+Jehovha anosunungura vaya vakasungwa.+
8 Jehovha anosvinudza maziso emapofu;+Jehovha anosimudza vakakotamiswa;+Jehovha anoda vakarurama.+
9 Jehovha anorinda vatorwa;+Anobatsira nherera nechirikadzi,+Asi anoita kuti nzira+ yevakaipa ive isina kururama.+
10 Jehovha acharamba ari mambo nokusingagumi,+Iye Mwari wako, haiwa iwe Ziyoni, kwezvizvarwa nezvizvarwa.+Rumbidzai Jah!+