Pisarema 147:1-20
147 Rumbidzai Jah,+Nokuti zvakanaka kuimbira Mwari wedu;+Nokuti zvinofadza—kurumbidza kwakakodzera.+
2 Jehovha ari kuvaka Jerusarema;+Anounganidza vakaparadzirwa vaIsraeri.+
3 Anoporesa+ vakaora mwoyo,+Uye anosunga panovarwadza.+
4 Anoverenga nyeredzi kuti ingani;+Anodzishevedza dzose nemazita adzo.+
5 Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;+Kunzwisisa kwake hakurondedzereki.+
6 Jehovha anobatsira vanyoro;+Anowisira vakaipa pasi.+
7 Imbirai Jehovha muchibvumirana, muchimuonga;+Imbirai Mwari wedu norudimbwa,+
8 Iye anofukidza matenga nemakore,+Iye anogadzirira nyika mvura,+Iye anoita kuti uswa hwakasvibirira humere+ pamakomo.
9 Anopa mhuka zvokudya zvadzo,+Pamwe chete nemanyana emakunguo anoramba achishevedzera.+
10 Haafariri simba rebhiza,+Uyewo haafariri kumhanya kwemakumbo omunhu.+
11 Jehovha anofarira vaya vanomutya,+Vaya vanomirira mutsa wake worudo.+
12 Kudza Jehovha,+ haiwa iwe Jerusarema.Rumbidza Mwari wako, haiwa iwe Ziyoni.+
13 Nokuti akasimbisa mizariro yemagedhi ako;Akakomborera vanakomana vako vari mukati mako.+
14 Anoisa rugare munharaunda yako;+Anoramba achikugutsa nemafuta egorosi.+
15 Anotuma zvaanotaura panyika;+Shoko rake rinomhanya kwazvo.
16 Anopa chando sezvaanoita mvere dzemakwai;+Anoparadzira mazaya echando sezvinongoitwa madota.+
17 Anokanda mvura yake yakaita chando sezvimedu.+Ndiani angamira kana chando chake chauya?+
18 Anotuma shoko+ rake ozvinyungudutsa.Anoita kuti mhepo yake ivhuvhute;+Mvura inoyerera.
19 Anozivisa Jakobho shoko rake,+Uye Israeri mirau+ yake nezvaakatonga.+
20 Haana kuitira chero rudzi rupi zvarwo saizvozvo;+Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva.+Rumbidzai Jah!+