Pisarema 15:1-5
Rwiyo rwaDhavhidhi.
15 Haiwa Jehovha, ndiani angava mueni mutende renyu?+Ndiani angagara mugomo renyu dzvene?+
2 Ndiye anofamba asina mhosva+ uye anoita zvakarurama+Uye anotaura chokwadi mumwoyo make.+
3 Iye anenge asina kuchera vamwe norurimi rwake.+Anenge asina chakaipa chaakaitira shamwari yake,+Anenge asina kuzvidza waanonyatsozivana naye.+
4 Iye anoramba munhu wose anozvidzwa,+Asi anokudza vaya vanotya Jehovha.+Anoti kana apika, kunyange zvikazomuipira, haachinji.+
5 Anenge asina kupa mari yake achizoreva mubereko,+Anenge asina kutora pfumbamuromo yokupomera munhu asina mhosva.+Munhu anoita zvinhu izvi haazombozununguswi.+