Pisarema 18:1-50

Kumutungamiriri. Rwiyo rwomushumiri waJehovha, rwaDhavhidhi, uyo akataura naJehovha mashoko orwiyo urwu pazuva raakanga anunurwa naJehovha muzvanza zvevavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.+ Iye akati: 18  Haiwa Jehovha, imi simba rangu, ndichakudai kwazvo.+   Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare yangu noMupukunyutsi wangu.+Mwari wangu ndiye dombo rangu. Ndichapotera kwaari,+Ndiye nhoo yangu nenyanga yangu yoruponeso, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka.+   Ndichashevedzera kuna Iye anofanira kurumbidzwa, iye Jehovha,+Ndichaponeswa pavavengi vangu.+   Tambo dzorufu dzakandikomba;+Mafashamo anongoerekana avapo evanhu pasina akarambawo achindityisa.+   Tambo dzeSheori dzakandikomba;+Misungo yorufu yakanangana neni.+   Ndakaramba ndichidana kuna Jehovha ndichitambudzika,Ndakaramba ndichichemera Mwari wangu kuti ndibatsirwe.+Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake,+Kuchema kwangu ndiri pamberi pake kuti ndibatsirwe kwakabva kwasvika munzeve dzake.+   Nyika yakatanga kuzununguka uye kudedera,+Nheyo dzemakomo dzakazununguswa,+Dzakaramba dzichizunungukira mberi neshure nokuti akanga atsamwiswa.+   Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, moto waibva mumuromo make wakaramba uchiparadza;+Mazimbe akapfuta achibva kwaari.   Akakotamisa matenga, akaburuka.+Zarima raiva pasi petsoka dzake. 10  Akauya akatasva kerubhi achibhururuka,+Akauya achibhururuka ari pamapapiro omudzimu.+ 11  Akabva aita kuti rima rive nzvimbo yake yokuvanda,+Rakamukomba sedumba rake,Mvura yakasviba, makore matema.+ 12  Nokupenya kwaiva pamberi pake, makore ake akapfuura,+Chimvuramabwe nemarasha omoto aibvira.+ 13  Jehovha akatanga kutinhira ari kumatenga,+Wokumusorosoro akaita kuti inzwi rake rinzwike,+Chimvuramabwe nemarasha omoto aibvira. 14  Akaramba achituma miseve yake, kuti avaparadzire;+Akatumira mheni, kuti avavhiringidze.+ 15  Pasi pemvura pakaonekwa,+Nheyo dzenyika inobereka dzakaiswa pachena+Nokutuka kwenyu, haiwa Jehovha, nemhepo yokufema kwemhino dzenyu.+ 16  Aitumira ruoko rwake kubva kumusoro, ainditora,+Aindibudisa mumvura zhinji.+ 17  Aindinunura pamuvengi wangu ane simba,+Pane vaya vaindivenga; nokuti vakanga vakasimba kundipfuura.+ 18  Vakaramba vachindivinga muzuva renjodzi yangu,+Asi Jehovha akava mutsigiri wangu.+ 19  Akandibudisa, akandiisa munzvimbo yakakura;+Aindinunura, nokuti akanga andifarira.+ 20  Jehovha anondipa mubayiro unoenderana nokururama kwangu;+Anondiripa zvinoenderana nokuchena kwemaoko angu.+ 21  Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha,+Handina kusiya Mwari wangu nokuita zvakaipa.+ 22  Nokuti zvose zvaakatonga zviri pamberi pangu,+Uye handizobvisi mirau yake kwandiri.+ 23  Ndichava asina mhosva kwaari,+Ndicharamba ndisingakanganisi.+ 24  Jehovha ngaandiripe zvinoenderana nokururama kwangu,+Zvinoenderana nokuchena kwemaoko angu pamberi pake.+ 25  Muchava akavimbika kune akavimbika;+Hamuzowaniriwo mhosva murume asina mhosva;+ 26  Muchava akachena kumunhu anoramba akachena;+Muchava asina kururama kumunhu asina kururama;+ 27  Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika;+Asi muchaderedza maziso anozvikudza.+ 28  Nokuti imi muchabatidza rambi rangu, haiwa Jehovha;+Mwari wangu achaita kuti rima rangu ripenye.+ 29  Nokuti nemi ndinogona kumhanyira boka revapambi;+NaMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.+ 30  Kana ari Mwari wechokwadi, nzira yake yakakwana;+Shoko raJehovha rakanatswa.+Iye inhoo kuna vose vanopotera kwaari.+ 31  Nokuti ndiani mumwe Mwari aripo kunze kwaJehovha?+Nderipi rimwe dombo riripo kunze kwaMwari wedu?+ 32  Mwari wechokwadi Ndiye anondisunga kwazvo nesimba,+Achaita kuti nzira yangu ive yakakwana,+ 33  Achiita kuti tsoka dzangu dzive sedzenondo hadzi,+Anoita kuti ndirambe ndakamira panzvimbo dzakanyanya kukwirira kwandiri.+ 34  Anodzidzisa maoko angu hondo,+Maoko angu akunga uta hwemhangura.+ 35  Muchandipa nhoo yenyu yoruponeso,+Ruoko rwenyu rworudyi ruchanditsigira,+Kuzvininipisa kwenyu kuchaita kuti ndive mukuru.+ 36  Muchagadzira nzvimbo yakakura zvakakwana pasi pangu nokuda kwetsoka dzangu,+Zviziso zvemakumbo angu hazvizogwedi-gwedi.+ 37  Ndichatevera vavengi vangu ndovabata;Handizodzoki kusvikira vaparadzwa.+ 38  Ndichavagura-gura zvokuti havazokwanisi kusimuka;+Vachawira pasi petsoka dzangu.+ 39  Muchandisunga nesimba nokuda kwehondo;Muchaita kuti vaya vanondimukira vawire pasi pangu.+ 40  Muchaita kuti vavengi vangu vandifuratire votiza;+Vaya vanondivenga kwazvo, ndichaita kuti vanyarare.+ 41  Vanochemera kubatsirwa, asi hapana muponesi,+Vanochema kuna Jehovha, asi chokwadi haavapinduri.+ 42  Ndichavakuya-kuya kusvikira vatsetseka seguruva riri kupeperetswa nemhepo;+Ndichavadurura sematope omumigwagwa.+ 43  Muchandipukunyutsa pakutsvakirwa mhosva nevanhu.+Muchandigadza kuti ndive mukuru wemarudzi.+Vanhu vandisina kuziva—vachandishandira.+ 44  Vachanditeerera vangonzwa runyerekupe;+Vokune dzimwe nyika vachauya kwandiri vachidedera.+ 45  Vokune dzimwe nyika vachapera simba,Vachabuda mumasvingo avo okudzivirira vachibvunda.+ 46  Jehovha mupenyu,+ Dombo+ rangu ngarirumbidzwe,Mwari woruponeso rwangu ngaakwidziridzwe.+ 47  Mwari wechokwadi ndiye anondiitira mabasa okutsiva;+Anokunda marudzi oaisa pasi pangu.+ 48  Anondipukunyutsa pavavengi vangu vakatsamwa;+Muchandisimudzira pamusoro pevaya vanondimukira,+Muchandinunura pamunhu anoita zvechisimba.+ 49  Haiwa Jehovha, ndokusaka ndichakurumbidzai ndiri pakati pemamwe marudzi,+Uye ndichaimbira zita renyu.+ 50  Iye anoitira mambo wake mabasa makuru oruponeso+Nokuva nomutsa worudo kumuzodziwa wake,+Kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingagumi.+

Mashoko Emuzasi