Pisarema 19:1-14
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
19 Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari;+Nzvimbo huru yokudenga inozivisa basa remaoko ake.+
2 Zuva rimwe pashure perimwe zuva rinoita kuti kutaura kubude,+Usiku humwe pashure pohumwe usiku hunoratidza zivo.+
3 Hapana kutaura, uye hapana mashoko;Hapana inzwi razvo rinonzwika.+
4 Tambo yazvo yokuyeresa yakabuda ikaenda munyika yose,+Uye mashoko azvo kumugumo wenyika inobereka.+Akadzika tende mazviri nokuda kwezuva,+
5 Rinoita somunhu ari kuroora paanenge achibuda muimba yake yomuchato;+Rinopembera nomufaro sezvinoita munhu ane simba kuti amhanye mugwara.+
6 Rinobuda richibva kune mumwe mugumo wematenga,Kutenderera kwaro kunogumira kune mimwe migumo yawo;+Hapana chakavanzwa pakupisa kwaro.+
7 Mutemo+ waJehovha wakakwana,+ unodzosa mweya.+Chiyeuchidzo+ chaJehovha chakavimbika,+ chinochenjedza asina zivo.+
8 Mirayiro+ inobva kuna Jehovha yakarurama,+ inoita kuti mwoyo ufare;+Murayiro+ waJehovha wakachena,+ unoita kuti maziso apenye.+
9 Kutya+ Jehovha kwakachena, kunoramba kuripo nokusingaperi.Zvakatongwa+ naJehovha ndezvechokwadi;+ zvakaratidza kuti zvakarurama.+
10 Zvinodiwa kupfuura ndarama, chokwadi kupfuura ndarama yakawanda kwazvo yakanatswa;+Uye zvinotapira kupfuura uchi,+ nouchi hunoyerera hwomumazinga.+
11 Uyewo, mushumiri wenyu akanyeverwa nazvo;+Kuzvichengeta kunounza mubayiro mukuru.+
12 Kukanganisa—ndiani angakuziva?+Itii handina mhosva yezvivi zvakavanzika.+
13 Dzorai mushandi wenyu kuti arege kuita mabasa okuzvikudza;+Musaarega achindikunda.+Kana zvakadaro ndichava akakwana,+Ndichange ndaramba ndisina mhosva yokudarika kuzhinji.
14 Mashoko omuromo wangu nokufungisisa kwomwoyo wangu+Ngazvive zvinofadza pamberi penyu, haiwa Jehovha, Dombo+ rangu noMudzikinuri wangu.+