Pisarema 2:1-12

2  Marudzi ave achiitireiko mheremhere+Uye mapoka emarudzi aramba achigunun’unirei chinhu chisina zvachinobatsira?+   Madzimambo epanyika anomira+Uye machinda aungana pamwe chete+Kuti varwe naJehovha+ uye kuti varwe nomuzodziwa wake,+   Vachiti: “Ngatidamburei zvisungo zvavo,+Tirase tambo dzavo dzibve kwatiri!”+   Iye agere mumatenga+ achaseka;Jehovha achavanyomba.+   Panguva iyoyo achataura navo akatsamwa,+Achavavhiringidza akavatsamwira kwazvo,+   Achiti: “Ini, iyeni, ndakagadza mambo wangu+PaZiyoni,+ gomo rangu dzvene.”+   Regai nditaure nezvomurau waJehovha;Iye akati kwandiri: “Ndiwe mwanakomana wangu;+Ini, nhasi, ndava baba vako.+   Ndikumbire,+ kuti ndikupe marudzi ave nhaka yako+Nokumigumo yenyika kuti kuve kwako.+   Uchaaputsa netsvimbo youmambo yesimbi,+Uchaaputsa-putsa somudziyo womuumbi.”+ 10  Zvino ivai nenjere, haiwa imi madzimambo;Ruramiswai, haiwa imi vatongi venyika.+ 11  Shumirai Jehovha muchimutya+Uye farai muchidedera.+ 12  Tsvodai mwanakomana,+ kuti Iye arege kushatirwa kwazvoUye imi murege kuparara munzira,+Nokuti hasha dzake dzinokurumidza kumuka.+Vanofara vose vanopotera kwaari.+

Mashoko Emuzasi