Pisarema 20:1-9
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
20 Jehovha ngaakupindurei muzuva rokutambudzika.+Zita raMwari waJakobho ngarikudzivirirei.+
2 Ngaatume rubatsiro rwenyu kubva munzvimbo tsvene,+Akutsigirei ari muZiyoni.+
3 Ngaayeuke zvipo zvenyu zvose zvinopiwa,+Ngaagamuchire chinopiwa chenyu chinopiswa semafuta.+ Sera.
4 Ngaakupei zvinoenderana nomwoyo wenyu,+Ngaaite zvose zvamakaronga.+
5 Tichashevedzera tichifarira kuponesa kwenyu,+Tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu.+Jehovha ngaaite zvose zvamunokumbira.+
6 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake.+Anomupindura ari kumatenga ake matsvene+Nemabasa esimba anoponesa oruoko rwake rworudyi.+
7 Vamwe vanotaura nezvengoro uye vamwe nezvemabhiza,+Asi isu tichataura nezvezita raJehovha Mwari wedu.+
8 Ivo vaya vakaputsika uye vakawa;+Asi isu takasimuka, kuti tidzorerwe.+
9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo!+Iye achatipindura pazuva ratinoshevedzera.+