Pisarema 21:1-13
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
21 Haiwa Jehovha, mambo anofara nesimba renyu;+Anoda kufara kwazvo sei muruponeso rwenyu!+
2 Makamupa zvinodiwa nomwoyo wake,+Hamuna kumunyima zvinodiwa nemiromo yake.+ Sera.
3 Nokuti makamuchingura nezvikomborero zvezvinhu zvakanaka,+Nokuisa korona yendarama yakanatswa pamusoro wake.+
4 Akakukumbirai upenyu. Makamupa upenyu hwacho,+Mazuva mazhinji nokusingagumi kunyange nokusingaperi.+
5 Kuremekedzwa kwake kukuru muruponeso rwenyu.+Munoisa kukudzwa nokubwinya paari.+
6 Nokuti munoita kuti akomborerwe kwazvo nokusingaperi;+Munoita kuti anzwe achifara nokufarira chiso chenyu.+
7 Nokuti mambo ari kuvimba naJehovha,+Uye nomutsa worudo woWokumusorosoro. Iye haazozununguswi.+
8 Ruoko rwenyu ruchawana vavengi venyu vose;+Ruoko rwenyu rworudyi ruchawana vaya vanokuvengai.
9 Muchaita kuti vave sevira romoto panguva yakatarwa yamuchafunga nezvavo.+Jehovha achavamedza akatsamwa, uye moto uchavaparadza.+
10 Muchaparadza zvibereko zvavo panyika,+Nevana vavo pavanakomana vevanhu.+
11 Nokuti vakakuunzirai zvakaipa;+Vakafunga pfungwa dzavasingakwanisi kuita.+
12 Nokuti muchaita kuti vafuratire vachitiza+Netambo dzenyu dzamunogadzirira zviso zvavo.+
13 Haiwa kudzwai musimba renyu, haiwa Jehovha.+Tichaimba uye tichaimba rwiyo nokuda kwokuva nesimba kwenyu.+