Pisarema 23:1-6
Rwiyo rwaDhavhidhi.
23 Jehovha ndiye Mufudzi wangu.+Hapana chandingashayiwa.+
2 Anondirarisa mumafuro ane uswa huzhinji;+Anonditungamirira kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji.+
3 Anozorodza mweya wangu.+Anonditungamirira mumakwara okururama nokuda kwezita rake.+
4 Kunyange ndikafamba mumupata wezarima,+Handityi zvakaipa,+Nokuti imi muneni;+Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu ndizvo zvinhu zvinondinyaradza.+
5 Munondigadzirira tafura yezvokudya pamberi pevaya vanondivenga.+Makazora musoro wangu mafuta;+Kapu yangu yakanyatsozara.+
6 Chokwadi kunaka nomutsa worudo zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu;+Uye ndichagara mumba maJehovha kwemazuva mazhinji.+