Pisarema 24:1-10

Rwiyo rwaDhavhidhi. 24  Nyika nezvizere mairi ndezvaJehovha,+Nyika inobereka nevaya vanogara mairi.+   Nokuti iye akaisimbisa kwazvo pamusoro pemakungwa,+Uye anoramba akaisimbisa kwazvo pamusoro penzizi.+   Ndiani angakwira mugomo raJehovha,+Uye ndiani angasimuka munzvimbo yake tsvene?+   Ani naani ane maoko asina mhosva neane mwoyo wakachena,+Asina kuitira mweya Wangu zvinhu zvisina zvazvinobatsira,+Kana kuti kuita mhiko nokunyengera.+   Achagamuchira chikomborero kubva kuna Jehovha+Nokururama kubva kuna Mwari wake woruponeso.+   Ichi ndicho chizvarwa chevaya vanomutsvaka,Chevaya vanotsvaka chiso chenyu, haiwa Mwari waJakobho.+ Sera.   “Simudzai misoro yenyu, haiwa imi magedhi,+Simukai, haiwa imi masuo anogara kwenguva refu,+Kuti Mambo anokudzwa apinde!”+   “Saka, ndiani uyu Mambo anokudzwa?”+“Ndiye Jehovha akasimba uye ane simba,+Iye Jehovha ane simba pakurwa.”+   “Simudzai misoro yenyu, haiwa imi magedhi;+Chokwadi, isimudzei, haiwa imi masuo anogara kwenguva refu,Kuti Mambo anokudzwa apinde!”+ 10  “Saka, ndiani iye, uyu Mambo anokudzwa?”“Jehovha wemauto—ndiye Mambo anokudzwa.”+ Sera.

Mashoko Emuzasi