Pisarema 27:1-14
Rwiyo rwaDhavhidhi.
27 Jehovha ndiye chiedza+ changu noruponeso rwangu.+Ndingatya aniko?+Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu.+Ndingadedereswa naaniko?+
2 Vanoita zvakaipa pavakaswedera pedyo neni kuti vadye nyama yangu,+Ivo zvavaiva mhandu dzangu nevavengi vangu,+Vakagumburwa vakawa.+
3 Kunyange boka rikandidzikira tende kuti rindirwise,+Mwoyo wangu hauzotyi.+Kunyange ndikamukirwa nehondo,+Panguva iyoyowo ndichavimba naye.+
4 Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha+—Ndicho chandichatsvaka,+Kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu,+Kuti ndione kufadza kwaJehovha+Uye kuti nditarire temberi yake ndichionga.+
5 Nokuti achandivanza munzvimbo yake yokuvanda pazuva redambudziko;+Achandiviga munzvimbo yakavanda yetende rake;+Achandiisa pamusoro pedombo.+
6 Zvino musoro wangu uchava pamusoro pevavengi vangu vakandikomba;+Ndichabayira zvibayiro zvokushevedzera kwokufara patende rake;+Ndichaimba, ndoimbira Jehovha rwiyo.+
7 Haiwa Jehovha, inzwai pandinoshevedza nenzwi rangu,+Ndinzwirei nyasha mundipindure.+
8 Mwoyo wangu wakati nezvenyu: “Tsvakai kunzwirwa nyasha neni.”+Haiwa Jehovha, ndichatsvaka kunzwirwa nyasha nemi.+
9 Musandivanzira chiso chenyu.+Musadzinga mushumiri wenyu makatsamwa.+Ivai rubatsiro rwangu.+Musandirasa uye musandisiya, haiwa Mwari woruponeso rwangu.+
10 Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya,+Jehovha aizonditora.+
11 Haiwa Jehovha, ndirayiridzei munzira yenyu,+Uye nditungamirirei mugwara rokururama nokuda kwevavengi vangu.
12 Musandiisa kumweya wemhandu dzangu;+Nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira,+Naiye anobudisa chisimba.+
13 Kudai ndakanga ndisina kuva nokutenda mukuona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu+—!
14 Tarisira kuna Jehovha;+ shinga uye mwoyo wako ngausimbe.+Chokwadi, tarisira kuna Jehovha.+