Pisarema 3:1-8
Rwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwanakomana wake Absaromu.+
3 Haiwa Jehovha, nei mhandu dzangu dzawanda?+Nei vazhinji vari kundimukira?+
2 Vazhinji vari kuti nezvomweya wangu:“Haasi kuzoponeswa naMwari.”+ Sera.
3 Asi imi, haiwa Jehovha, muri nhoo kumativi angu ose,+Kukudzwa+ kwangu uye Iye anosimudza musoro wangu.+
4 Ndichadana Jehovha nenzwi rangu,Iye achandipindura ari pagomo rake dzvene.+ Sera.
5 Ini ndicharara pasi kuti ndibatwe nehope;Ndichamuka, nokuti Jehovha anoramba achinditsigira.+
6 Handizotyi zviuru zvevanhu zvine gumi,Vaya vakagadzirira kundirwisa, vakandikomba.+
7 Haiwa Jehovha, simukai!+ Ndiponesei,+ haiwa Mwari wangu!+Nokuti mucharova vavengi vangu vose pashaya dzavo.+Muchagura mazino evakaipa.+
8 Ruponeso ndorwaJehovha.+Chikomborero chenyu chiri pavanhu venyu.+ Sera.