Pisarema 30:1-12
Rwiyo. Rumbo rwaDhavhidhi rwokutsaurira imba.+
30 Ndichakukudzai, haiwa Jehovha, nokuti makandisimudza+Uye hamuna kuita kuti vavengi vangu vafare pamusoro pangu.+
2 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakakuchemerai kuti ndibatsirwe, mukandiporesa.+
3 Haiwa Jehovha, makabudisa mweya wangu muSheori;+Makaita kuti ndirambe ndiri mupenyu, kuti ndirege kuenda kugomba.+
4 Imbirai Jehovha, haiwa imi vakavimbika vake,+Ongai chiyeuchidzo chake chitsvene;+
5 Nokuti kutsamwirwa naye ndokwenguva pfupi,+Kufarirwa naye ndekwoupenyu hwose.+Kusvimha misodzi kungavapo manheru,+ asi mangwanani kunova nokushevedzera kwokufara.+
6 Ini pandakanga ndakagara zvakanaka ndakati:+“Handichazombozununguswi.”+
7 Haiwa Jehovha, makaita kuti gomo rangu rimire nesimba nokuti maindifarira.+Makavanza chiso chenyu; ndikava munhu anonetseka.+
8 Haiwa Jehovha, ndakaramba ndichishevedzera kwamuri;+Uye ndakaramba ndichiteterera Jehovha kuti andinzwire nyasha.+
9 Ropa rangu rinobatsirei pandinoburukira mugomba?+Guruva ringakurumbidzai here?+ Ringataura nezvechokwadi chenyu here?+
10 Inzwai, haiwa Jehovha, mundinzwire nyasha.+Haiwa Jehovha, ivai mubatsiri wangu.+
11 Makachinja kuchema kwangu kuti kuve kutamba;+Makasunungura masaga angu, uye munoramba makandisunga nokufara,+
12 Kuitira kuti kukudzwa kwangu kukuimbirei uye kurege kunyarara.+Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakurumbidzai nokusingagumi.+