Pisarema 35:1-28
Rwiyo rwaDhavhidhi.
35 Haiwa Jehovha, nditongerei mhosva yangu nevanopikisana neni;+Rwisanai nevaya vari kurwa neni.+
2 Batai nhoo duku nenhoo huru,+Simukai mundibatsire,+
3 Vhomorai pfumo negano kuti musangane nevaya vari kunditevera.+Itii kumweya wangu: “Ndiri ruponeso rwako.”+
4 Vaya vari kuvhima mweya wangu ngavanyadziswe vaninipiswe.+Vaya vari kundirongera dambudziko ngavadzoswe vatsverudzwe.+
5 Ngavaite sehundi iri kupeperetswa nemhepo,+Ngirozi yaJehovha ngaivasunde.+
6 Nzira yavo ngaive rima uye nzvimbo dzinotsvedza,+Ngirozi yaJehovha ngaivatevere.
7 Nokuti vakandiisira gomba ravo rine mambure panzvimbo yakavanda pasina chikonzero;+Vakaricherera mweya wangu pasina chikonzero.+
8 Kuparara ngakuuye paari iye asingazivi,+Mambure ake aakaviga ngaamubate;+Ngaawire maari aparare.+
9 Asi mweya wangu ngaufarire Jehovha;+Ngaupembere nomufaro muruponeso rwake.+
10 Mapfupa angu ose ngaati:+“Haiwa Jehovha, ndiani aripo akafanana nemi,+Anorwira munhu anotambudzika kune uya akasimba kumupfuura,+Uye anorwira munhu anotambudzika nomurombo kune uya anomubira?”+
11 Zvapupu zvinoita zvechisimba zvinosimuka;+Zvinondibvunza zvandisingazivi.+
12 Zvinondipa mubayiro wezvakaipa nokuda kwezvakanaka,+Iko kurasikirwa kwomweya wangu.+
13 Asi ini, pavakarwara, zvipfeko zvangu zvaiva masaga,+Ndakatambudza mweya wangu nokutsanya,+Munyengetero wangu waizodzoka pachipfuva changu.+
14 Kunyange yaiva shamwari, kunyange yaiva hama yangu,+Ndakafamba-famba somunhu anochema amai.+Ndakakotama, ndasuruvara.
15 Asi ivo vakafarira kukamhina kwangu, vakaungana;+Vakandiunganira kuti vandirwise,+Vachindirova ndisingazvizivi;+Vakandibvambura-bvambura uye havana kuramba vakanyarara.+
16 Pavaseki vakatsauka nokuda kwekeke+Paiva nokugeda-geda mazino avo kwavaindiitira.+
17 Haiwa Jehovha, mucharamba muchizviona kusvikira rini?+Dzosai mweya wangu pakuparadza kwavo,+Iwo mweya wangu mumwe chete+ pavana veshumba vava nezenze.
18 Ndichakurumbidzai muungano huru;+Ndichakurumbidzai pakati pevanhu vazhinji.+
19 Haiwa, dai vaya vanondivenga pasina chikonzero vakarega kufara pamusoro pangu;+Vaya vanondivenga pasina chikonzero, ngavarege kuchonya ziso.+
20 Nokuti havatauri zvorugare;+Asi kuvanhu vakanyarara vomunyikaVanoramba vachironga zvinhu zvounyengeri.+
21 Vanondishamisira muromo wavo kwazvo.+Vakati: “Tsvatu waro! Tsvatu waro! Maziso edu azviona.”+
22 Mazviona, haiwa Jehovha.+ Musaramba makanyarara.+Haiwa Jehovha, musaramba muri kure neni.+
23 Mukai, mumukire kundiruramisira,+Haiwa Mwari wangu Jehovha, mukirai mhosva yangu.+
24 Nditongei maererano nokururama kwenyu, haiwa Jehovha Mwari wangu,+Ngavarege kufara pamusoro pangu.+
25 Haiwa, ngavarege kuti mumwoyo mavo: “Tsvatu waro, ndizvo zvaidiwa nemweya yedu!”+Ngavarege kuti: “Tamumedza.”+
26 Vose ivavo ngavanyadziswe uye vatsverudzwe+Vanofarira dambudziko rangu.+Vaya vari kuzvitutumadza+ kwazvo kwandiri ngavafukidzwe nenyadzi+ nokuzvidzwa.
27 Vaya vari kufarira kururama kwangu,+ ngavashevedzere nomufaro vafarisise,Ngavarambe vachiti:+“Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira rugare rwomushumiri wake.”+
28 Rurimi rwangu ngarutaure kururama kwenyu+ nenzwi riri pasi,Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.+