Pisarema 39:1-13

Kumutungamiriri weJedhutuni.+ Rwiyo rwaDhavhidhi. 39  Ndakati: “Ndicharinda nzira dzangu+Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu.+Ndichaisa tomu kuti rive murindi womuromo wangu,+Chero bedzi munhu akaipa ari pamberi pangu.”+   Ndakava mbeveve nokunyarara;+Ndakaramba ndakanyarara pane zvakanaka,+Kurwadziwa kwangu kwakadziviswa.   Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu;+Moto wakaramba uchibvira munguva yokugomera kwangu.Ndakataura norurimi rwangu:   “Haiwa Jehovha, itai kuti ndizive kuguma kwangu,+Nokuyerwa kwemazuva angu—kuti kwakadini,+Kuti ndizive kuti ndinokurumidza kupfuura zvakadini.+   Tarirai! Makaita kuti mazuva angu angova mashomanana;+Nguva youpenyu hwangu yakaita sepasina pamberi penyu.+Chokwadi munhu wose wepanyika, kunyange zvazvo achimira akasimba, haasi chinhu asi mhepo inofemwa.+ Sera.   Chokwadi munhu anofamba-famba somumvuri.+Chokwadi vanoita mheremhere pasina.+Mumwe anounganidza zvinhu uye haazivi kuti ndiani achazozvitora.+   Zvino ndakatarisirei kwamuri, haiwa Jehovha?Tariro yangu iri kwamuri.+   Ndinunurei pakudarika kwangu kwose.+Musaita kuti ndive chinhu chinozvidzwa nebenzi.+   Ndakaramba ndakanyarara;+ ndakatadza kuvhura muromo wangu,+Nokuti imi makazviita.+ 10  Bvisai dambudziko renyu kwandiri.+Ndapera nokuda kwokurwisa kworuoko rwenyu.+ 11  Makaruramisa munhu nokutsiura kukanganisa,+Munoparadza zvinhu zvake zvakanaka sezvinoita chitemamachira.+Chokwadi munhu wose wepanyika imhepo inofemwa.+ Sera. 12  Inzwai munyengetero wangu, haiwa Jehovha,Teererai kuchemera kwangu kubatsirwa.+Musaramba makanyarara muchiona misodzi yangu.+Nokuti ndinongova hangu mutorwa anemi,+Anobva kune imwe nyika sezvakanga zvakaita madzitateguru angu ose.+ 13  Regai kunditarira, kuti ndifare+Ndisati ndaenda, ndikasazovapo.”+

Mashoko Emuzasi