Pisarema 4:1-8
Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo.+Rwiyo rwaDhavhidhi.
4 Ndipindurei pandinoshevedza, haiwa Mwari wangu akarurama.+Mundigadzirire nzvimbo yakafara pakutambudzika.Ndinzwirei nyasha,+ munzwe munyengetero wangu.
2 Imi vanakomana vevanhu, kukudzwa+ kwangu kuchazvidzwa kusvikira riniko,Imi muchiramba muchida zvinhu zvisina zvazvinobatsira,Imi muchiramba muchitsvaka nhema? Sera.
3 Naizvozvo zivai kuti Jehovha achatsaura munhu wake akavimbika;+Jehovha achanzwa pandinomushevedza.+
4 Dederai, asi musatadza.+Taurai mumwoyo menyu, muri pamibhedha yenyu,+ murambe makanyarara. Sera.
5 Bayirai zvibayiro zvokururama,+Muvimbe naJehovha.+
6 Kune vazhinji vari kuti: “Ndiani achatiratidza zvakanaka?”Simudzirai chiedza chechiso chenyu patiri,+ haiwa Jehovha.
7 Chokwadi muchafadza mwoyo wangu+Kupfuura panguva yakawanda zviyo zvavo newaini yavo itsva.+
8 Ndicharara pasi norugare ndobatwa nehope,+Nokuti imi moga, haiwa Jehovha, ndimi munoita kuti ndigare ndakachengeteka.+