Pisarema 40:1-17
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
40 Ndakatarisira kuna Jehovha nomwoyo wose,+Naizvozvo akarerekera nzeve yake kwandiri, akanzwa kuchemera kwangu kubatsirwa.+
2 Akandibudisawo mugomba rine ruzha,+Mumatope emadhaka.+Akabva asimudzira tsoka dzangu pamusoro peibwe;+Akasimbisa tsoka dzangu kwazvo.+
3 Akaisawo rwiyo rutsva mumuromo mangu,Kurumbidza kuna Mwari wedu.+Vazhinji vachazviona uye vachatya,+Vachavimba naJehovha.+
4 Anofara murume anovimba naJehovha+Asina kutendeudzira chiso chake kuvanhu vasingateereri,Kana kune vaya vanotsaukira kunhema.+
5 Imi makaita zvinhu zvizhinji,+Haiwa Jehovha Mwari wangu, iwo mabasa enyu anoshamisa nepfungwa dzenyu kwatiri;+Hapana angaenzaniswa nemi.+Kudai ndaida kuzvizivisa nokutaura nezvazvo,Zvava zvizhinji zvokuti handigoni kuzvirondedzera.+
6 Hamuna kufarira chibayiro nechinopiwa;+Makavhura nzeve dzangu idzi.+Hamuna kukumbira chinopiwa chinopiswa nechinopiwa chechivi.+
7 Nokuda kwaizvozvo, ndakati: “Tarirai ndauya,+Mumupumburu webhuku makanyorwa nezvangu.+
8 Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu,+Mutemo wenyu uri mukati mangu.+
9 Ndakazivisa mashoko akanaka okururama muungano huru.+Tarirai! Handidzivisi miromo yangu.+Haiwa Jehovha, imi munonyatsoziva izvozvo.+
10 Handina kuvanza kururama kwenyu mumwoyo mangu.+Ndakazivisa kutendeka kwenyu noruponeso rwenyu.+Handina kuvanzira ungano huru mutsa wenyu worudo nechokwadi chenyu.”+
11 Haiwa Jehovha, musandinyima tsitsi dzenyu.+Mutsa wenyu worudo nechokwadi chenyu ngazvindichengetedze nguva dzose.+
12 Nokuti matambudziko akandikomba kusvikira asingachaverengeki.+Zvikanganiso zvangu zvakawanda zvakandibata kupfuura zvandaigona kuona;+Zvakava zvizhinji kupfuura bvudzi romusoro wangu,+Mwoyo wangu wakandisiya.+
13 Haiwa Jehovha, farirai kundinunura.+Haiwa Jehovha, chimbidzai kuzondibatsira.+
14 Vose zvavo ngavanyare uye vatsveruke+Vaya vari kutsvaka mweya wangu kuti vauparadze.+Vaya vari kufarira dambudziko rangu, ngavatendeuke vanyadziswe.+
15 Ngavarambe vakatarira vachishamisika nokuda kwenyadzi dzavo+Ivo vari kuti kwandiri: “Tsvatu waro! Tsvatu waro!”+
16 Ngavapembere nomufaro vakufarirei,+Ivo vose vaya vari kukutsvakai.+Ngavagare vachiti: “Jehovha ngaakudzwe,”+Vaya vanoda kuponeswa nemi.+
17 Asi ini ndinotambudzika uye ndiri murombo.+Jehovha anondifunga.+Muri mubatsiri wangu noMupukunyutsi wangu.+Haiwa Mwari wangu, musanyanya kunonoka.+