Pisarema 41:1-13
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
41 Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera;+Jehovha achamupukunyutsa muzuva redambudziko.+
2 Jehovha achamurinda omuchengetedza ari mupenyu.+Iye achanzi anofara munyika;+Uye hamungamuisi kumweya yevavengi vake.+
3 Jehovha achamutsigira ari pamubhedha wourwere;+Muchachinja mubhedha wake wose munguva yokurwara kwake.+
4 Ini ndakati: “Haiwa Jehovha, ndinzwirei nyasha.+Poresai mweya wangu, nokuti ndakakutadzirai.”+
5 Vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu vachiti:+“Achafa rini, zita rake rinyatsoparara?”
6 Kana mumwe munhu akauya kuzondiona, mwoyo wake unoreva nhema;+Anozviunganidzira chimwe chinhu chinokuvadza;Achabuda; achataura nezvazvo ari panze.+
7 Vose vaya vanondivenga vanozevezerana nezvangu vakabatana;+Vanoramba vachironga kundiitira chimwe chinhu chakaipa vachiti:+
8 “Chinhu chisingabatsiri chinodururwa paari;+Zvino zvaarara, haazomukizve.”+
9 Uyewo munhu wandaiva norugare naye, wandaivimba naye,+Aidya chingwa changu,+ andisimudzira chitsitsinho chake.+
10 Asi imi, haiwa Jehovha, ndinzwirei nyasha muite kuti ndisimuke,+Kuti ndivatsive.+
11 Neizvi ndinoziva kuti mandifarira,Nokuti muvengi wangu haashevedzeri mukukunda pamusoro pangu.+
12 Asi ini makanditsigira nokuda kwokuvimbika kwangu,+Muchandiisa pamberi pechiso chenyu nokusingagumi.+
13 Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe+Narini kusvikira narini.+Ameni, Ameni.+