Pisarema 44:1-26
Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+ Maskiri.
44 Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu,Madzitateguru edu akarondedzera kwatiri+Basa ramakaita mumazuva avo,+Mumazuva ekare kare.+
2 Imi pachenyu noruoko rwenyu makadzingawo marudzi,+Mukadyara madzitateguru panzvimbo yemarudzi acho.+Makaputsa mapoka emarudzi uye makaadzinga.+
3 Nokuti iwo haana kutora nyika yacho kuti ive yawo nebakatwa rawo,+Ruoko rwawo harusi irwo rwakaaunzira ruponeso.+Nokuti rwaiva ruoko rwenyu rworudyi nechanza+ chenyu nechiedza chechiso chenyu,Nokuti maiafarira.+
4 Imi muri Mambo wangu, haiwa Mwari.+Rayirai kuti Jakobho awane ruponeso rukuru.+
5 Nemi tichawisira pasi mhandu dzedu;+Tichatsika-tsika vaya vanotimukira muzita renyu.+
6 Nokuti handina kuramba ndichivimba nouta hwangu+Uye harisi bakatwa rangu rakanga richindiponesa.+
7 Nokuti makatiponesa pamhandu dzedu,+Makanyadzisa vaya vaitivenga kwazvo.+
8 Ticharumbidza Mwari zuva rose,+Ticharumbidza zita renyu nokusingagumi.+ Sera.
9 Asi zvino makatirasa uye munoramba muchitinyadzisa,+Uye hamuendi nemauto edu.+
10 Munoramba muchiita kuti titize mhandu,+Vaya vanotivenga kwazvo vakangopamba havo.+
11 Munotisiya semakwai, sechimwe chinhu chokudya,+Uye makatiparadzira pakati pemarudzi.+
12 Munotengesa vanhu venyu pasina chamunowana,+Uye hamuna kuwana pfuma nomutengo wavo.
13 Makaita kuti tive chinhu chinozvidzwa nevavakidzani vedu,+Chinhu chinonyombwa nechinosekwa navose vaya vakatipoteredza.+
14 Makaita kuti tive chirevo pakati pemarudzi,+Chinhu chinodzungudzirwa musoro pakati pemapoka emarudzi.+
15 Zuva rose kunyara kwangu kuri pamberi pangu,Uye nyadzi dzechiso changu dzandifukidza,+
16 Nokuda kweinzwi rouya anozvidza uye anotuka,Nokuda kwomuvengi nouya anotsiva.+
17 Zvose izvi ndizvo zvatiwira, hatina kukukanganwai,+Uye hatina kuita zvenhema musungano yenyu.+
18 Mwoyo yedu haina kudzokera shure isingatendi,+Uyewo tsoka dzedu hadzitsauki pagwara renyu.+
19 Nokuti makatipwanyira munzvimbo yehunguhwe,+Uye munotifukidza nezarima.+
20 Kana takakanganwa zita raMwari wedu,Kana kuti takatambanudzira zvanza zvedu kuna mwari wokumwe,+
21 Mwari haazotsvaki izvi here?+Nokuti anoziva zvakavanzika zvomwoyo.+
22 Asi takaurayiwa nokuda kwenyu zuva rose;Takanzi tiri makwai okuti aurayiwe.+
23 Mukai. Munorambirei makarara, haiwa Jehovha?+Mukai. Musaramba muchitirasa nokusingaperi.+
24 Munorambirei makavanza chiso chenyu?Munokanganwirei kutambudzika kwedu nokudzvinyirirwa kwedu?+
25 Nokuti mweya yedu yakakotamira kuguruva;+Dumbu redu ranamatira pasi.
26 Simukai mutibatsire+Uye tidzikinurei nokuda kwomutsa wenyu worudo.+