Pisarema 49:1-20
Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
49 Inzwai izvi, imi marudzi.Teererai, imi mose vagari vari mumamiriro ezvinhu epanguva ino,+
2 Imi vanakomana vevanhu pamwe chete nemi vanakomana vomunhu,Iwe mupfumi newe murombo pamwe chete.+
3 Muromo wangu uchataura zvinhu zvouchenjeri,+Uye mwoyo wangu uchafungisisa zvinhu zvokunzwisisa.+
4 Ndicharerekera nzeve yangu kuchirevo;+Ndichadudzira chirahwe+ changu norudimbwa.
5 Nei ndichifanira kutya mumazuva ezvakaipa,+Pandinokombwa nokukanganisa kwevanonditorera nzvimbo?+
6 Vaya vanovimba nezvavanorarama nazvo,+Uye vanoramba vachizvirumbidza pamusoro pokuwanda kwepfuma yavo,+
7 Hapana kana mumwe chete wavo anogona kudzikinura kunyange hama yake,+Kana kupa Mwari rudzikinuro nokuda kwake;
8 (Mutengo wokudzikinura mweya yavo unokosha kwazvo+Zvokuti haupo nokusingagumi)
9 Kuti arambe achirarama nokusingaperi uye arege kuona gomba.+
10 Nokuti anoona kuti kunyange vakachenjera vanofa,+Benzi neasingafungi vanoparara pamwe chete,+Vanosiyira vamwe zvavairarama nazvo.+
11 Chido chemwoyo yavo ndechokuti dzimba dzavo dzigare nokusingagumi,+Tebhenekeri dzavo dzigare kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.+Vakatumidza nyika dzavo mazita avo.+
12 Asi kunyange zvazvo munhu wepanyika achikudzwa, haagoni kuramba achigarapo;+Chokwadi akafanana nemhuka dzakaparadzwa.+
13 Iyi ndiyo nzira yevaya vane upenzi,+Neyevaya vanovatevera, vanofarira zvavanotaura. Sera.
14 Vakatarirwa kuenda kuSheori semakwai;+Rufu ruchavafudza;+Vakarurama vachava nesimba pavari mangwanani,+Miviri yavo ichaparara;+Mumwe nomumwe wavo achawana Sheori panzvimbo pokuwana nzvimbo yakakwirira yokugara.+
15 Zvisinei, Mwari achadzikinura mweya wangu paruoko rweSheori,+Nokuti achandigamuchira. Sera.
16 Usatya nokuti mumwe munhu anowana pfuma,+Nokuti kukudzwa kweimba yake kunowedzera,+
17 Nokuti parufu rwake hapana kana chinhu chaanogona kuenda nacho;+Kukudzwa kwake hakuzoendi pamwe chete naye.+
18 Nokuti akaramba achikomborera mweya wake muupenyu hwake hwose;+(Vanhu vachakurumbidza nokuti unozviitira zvakanaka)+
19 Pakupedzisira mweya wake unongosvika kuchizvarwa chemadzitateguru ake.+Havazomboonizve chiedza.+
20 Kunyange zvazvo munhu wepanyika achikudzwa, iye ari munhu asinganzwisisi,+Chokwadi akafanana nemhuka dzakaparadzwa.+