Pisarema 51:1-19

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. Muprofita Natani paakapinda maaiva pashure pokunge arara naBhati-shebha.+ 51  Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, maererano nomutsa wenyu worudo.+Dzimai kudarika kwangu maererano nokuwanda kwengoni dzenyu.+   Nyatsondigezai kukanganisa kwangu,+Ndichenesei pachivi changu.+   Nokuti ndinoziva kudarika kwangu,+Uye chivi changu chiri pamberi pangu nguva dzose.+   Ndakatadzira imi, iyemi moga,+Ndakaita zvakaipa pamberi penyu,+Kuti muve akarurama pamunotaura,+Kuti murege kuva nemhosva pamunotonga.+   Tarirai! Ndakaberekwa nemarwadzo okusununguka ndiine kukanganisa,+Amai vangu vakandinambira muchivi.+   Tarirai! Makafarira chokwadi munhengo dzomukati;+Itai kuti ndizive uchenjeri munzvimbo yakavanda.+   Ndinatsei pachivi nehisopi, kuti ndichene;+Ndigezei, kuti ndichene kupfuura chando.+   Itai kuti ndinzwe kupembera nomufaro uye kufara,+Kuti mapfupa amakapwanya afare.+   Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu,+Mudzime kukanganisa kwangu kwose.+ 10  Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari,+Muise mafungiro matsva mandiri, akasimba.+ 11  Regai kundirasira kure nechiso chenyu;+Haiwa, musanditorera mudzimu wenyu mutsvene.+ 12  Ndidzorerei kupembera nomufaro kworuponeso runoitwa nemi,+Nditsigirei nomwoyo unoda.+ 13  Ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu,+Kuti vatadzi vatendeukire kwamuri.+ 14  Ndinunurei pamhosva yeropa,+ haiwa Mwari, imi Mwari woruponeso rwangu,+Kuti rurimi rwangu ruzivise nezvokururama kwenyu ruchifara.+ 15  Haiwa Jehovha, vhurai miromo yangu iyi,+Kuti muromo wangu uzivise kurumbidzwa kwenyu.+ 16  Nokuti hamufariri chibayiro—zvimwe ndingadai ndachipa;+Hamufariri chinopiwa chinopiswa chakakwana.+ 17  Zvibayiro kuna Mwari ndiwo mwoyo wakaputsika;+Haiwa Mwari, hamuzozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.+ 18  Itirai Ziyoni zvakanaka mukurifarira kwenyu;+Vakai masvingo eJerusarema.+ 19  Ipapo muchafadzwa nezvibayiro zvokururama,+Nechibayiro chinopiswa nechinopiwa chakakwana;+Ipapo nzombe dzichabayirwa paatari yenyu.+

Mashoko Emuzasi