Pisarema 52:1-9
Kumutungamiriri. Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi, Dhoegi muEdhomu paakauya, akaudza Sauro uye akati kwaari Dhavhidhi akanga asvika kumba kwaAhimereki.+
52 Unozvirumbidzirei pamusoro pezvakaipa, haiwa iwe ane simba?+Mutsa worudo waMwari uripo zuva rose.+
2 Rurimi rwako runoronga kuti pave nenhamo, rwakapinza sechisvo,+Runoshanda ruchiita zvokunyengera.+
3 Wakada zvakaipa kupfuura zvakanaka,+Wakada nhema kupfuura kutaura zvakarurama.+ Sera.
4 Wakada mashoko ose okuparadza,+Haiwa iwe rurimi runonyengera.+
5 Mwari achakuputsawo nokusingaperi;+Achakuwisira pasi okubvisa patende rako,+Achakudzura munyika yevapenyu.+ Sera.
6 Vakarurama vachazviona uye vachatya,+Vachamuseka.+
7 Tarirai, uyu ndiye murume asingaiti kuti Mwari ave nhare yake,+Asi anovimba nokuwanda kwepfuma yake,+Anovanda munhamo dzinoitwa naye.+
8 Asi ini ndichaita somuorivhi wakasvibirira+ uri mumba maMwari;Ndinovimba nomutsa worudo waMwari nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.+
9 Ndichakurumbidzai nokusingagumi, nokuda kwemabasa amakaita;+Ndichava netariro muzita renyu, nokuti zvakanaka, pamberi pevakavimbika venyu.+