Pisarema 54:1-7
Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo. Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi. VaZifi pavakapinda vakati kuna Sauro: “Dhavhidhi haana kuvanda kwatiri here?”+
54 Haiwa Mwari, ndiponesei nezita renyu,+Rwirai mhosva yangu nesimba renyu.+
2 Haiwa Mwari, inzwai munyengetero wangu;+Teererai mashoko omuromo wangu.+
3 Nokuti kune vanhu vandisingazivi vandimukira,Nevadzvinyiriri vari kutsvaka mweya wangu.+Havana kuisa Mwari pamberi pavo.+ Sera.
4 Tarirai! Mwari ndiye mubatsiri wangu;+Jehovha ndomumwe wevaya vanotsigira mweya wangu.
5 Achatsiva zvakaipa zvacho kuvavengi vangu;+Itai kuti vanyarare nechokwadi chenyu.+
6 Ndichabayira chibayiro kwamuri ndichida.+Ndicharumbidza zita renyu, haiwa Jehovha, nokuti rakanaka.+
7 Nokuti iye akandinunura mukutambudzika kwose,+Ziso rangu rakatarira vavengi vangu.+